Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kumira naMwari munguva yekuyedzwa nematambudzikoChikamu

Kumira naMwari munguva yekuyedzwa nematambudziko

ZUVA 1 REMAZUVA 3

Huvapo hwaMwari mumadambudziko

Hupenyu chinhu chisinga nzwisisike uye ichokwadi kuti tinonatswa kuburikidza nekupindana nemiyedzo nematambudziko. Kutenda nemoyo murefu zvinokurawo panguva yekumanikidzwa. Kurangarira kuti Mwari anoramba aripo kunyange munguva yekuomerwa nezvinhu, zvinopa rugare nesimba. Sevatendi tinozendamira pazvivimbiso zvaMwari tine rusimbiso rwekuti anesu nguva dzose kunyangwe nepatinonzwa kuti taremerwa. Kuva nekutenda, kutsungirira netariro muhurongwa hwaMwari zvinogadzira mukana wekukura Davida, akanzwisisa izvi akanyora achiti; ‘Kunyangwe ndifamba nepamupata wemumvuri werufu, handingatombotyi zvakaipa nekuti muneni. Tsvimbo nemudonzvo wenyu zvinondinyaradza’.

Mwari havana kumbobvira vativimbisa upenyu usina matambudziko. Patakatendeuka, umambo hwerima hauna kuzohadzikana nekuti pane mweya wabvutwa kubvamurima kuuya kuchiedza. Wakabva wava munhu anokwanisa kuunza kuparara kuumambo werima nekuti unenge wakeunza chiedza pose pauri. Nokuda kwaizvozvo wakaipa anoedza nepaanogona napo pose kuda kuti hupenyu huome zvichida ungabva wakanda mapfumo pasi parwendo rwechKristu. Wakaipa anotora mukana wese wese achiedza kuita zvose zvingakuparadze. Shoko rinotiudza pachena kuti wakaipa akauya kuzoba, kuuraya nekuparadza.

Pauro,muapostora, anova umwe wevakanyora testament itsva, aiva nematambudziko aaisangana nawo. Izvi akazvitsanangura kuvaKorinte kuti akasungwa achiiswa mujeri kakawanda, kurowa, kusangana nenjodzi muchikepe, akatakwa namabwe achisiwa sekunge akufa nemamwe madambudziko akasiyana siyana aakasangana nawo murwendo remake mukushumira Mwari. Asi pane izvi zvose Mwari vaimurwira uye havana kumusiya ari oga.

Chatinofanira kuziva ndechekuti zvisinei kuti madambudziko akakura zvakadii, haambotiparadze. Mwari vakavimbisa nechekare kuti havambotisiya nyangwe zviite sei. Patinopfuura nemunvura inotyisa, haingatinyudze; patinopfuura nemumoto haungatipise. Izvi zvinonongedza kukosha kwatakaita pamberi paMwari sevana vake. Muenzaniso tinouona apo vana veIzirairi vakapfura nepakaoma pagungwa dzvuku rainge riine mvura yaityisa. Kunyangwe apo Shadreck, Misheki naAbedinigeri vakakandwa mugomba remoto havana kutsva. Mwari akavaponesa.

Zuva 2

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Kumira naMwari munguva yekuyedzwa nematambudziko

Ko muKristu angakunda sei apindana nematambudziko nekuyedzwa. Chidzidzo chino chinoongorora huvapo hwaMwari, zvinodikanwa kuti muKristu ave nekukunda miyedzo nematambudziko kutenda nekuvimba mushoko raMwari.

More

Tinoda kutenda Operation Mobilisation nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.linkedin.com/in/tinashe-mafuta-44996819a/?originalSubdomain=zw