Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kutonga KwaMwari kwakaruramaChikamu

Kutonga KwaMwari kwakarurama

ZUVA 3 REMAZUVA 3

Zuva rekutongwa harinzvengeke

Mashoko ekuti‘Zuva rekutongwa’ anonongedzera kuzuva rekupedzisira pachatongwa munhu wose sezvaakabata- zvose zvachaiswa pachena munhu wega wega uzvidairira nekuda kwezvaakaita panyika. MuBhaibheri dzidziso yezuva rekutongwa inotaurwa zvakanyanya Paine tarisiro yekuti munhu wose achamira pamberi paMwari achitongwa. Nyaya yekutongwa iyi haingonongedzera kuzuva ririkure kure. Asi ndochokwadi chatofanira kubatisisa toziva kuti kutonga uku kunogona kuitika chero nguva nekuti hatizivi misi be nguva. Isu sevaKristu, tinofanira kurarama tichizviyeuchidza chokwadi ichi.

Pauro, muapostora, anotirangaridza achiti; ‘Naizvozvo mumwe nomumwe achizvidairira pamberi paMwari’. Zvoreva kuti hakuna munhu angapunyuka pazuva rekutongwa iri. Munhu wese- mupfumi kana murombo, mukuru kana mudiki munamati kana asiri munamati, tose tichatongwa. Zvatakaita, kutaura uye zviripakawanzika zvichabuda pachena pamberi peuyo anoona zvose.

Kuvazhinji mufungo wekuti zuva rekutongwa kunounza kutya kunyanya kana munhu aachirarama asingatye Mwari uye kuteerera mirairo yake. Izvi zvinoitika nekuti zvinotyisa kuwira mumaoko aMwari pakutonga kwake. Kana tisina kutendeuka togashira ruponeso nekuyanana naMwari zuva rekutongwa rinotyisa zvakanyanya.

Asi kunevatotenda munaKristu, zuva rekutongwa harifanire kutyisa asi rekutotarisira tiine tariro huru. Jesu akativimbisa achiti; ‘ zvirokwazvo zvirokwazvo, ndikuti kwamuri uyo wose anoteerera nekutenda uyo akandituma ane upenyu husingaperi uye ayambuka kubva kurufu achienda kuupenyu. Avo vose vakagashira ruponeso runouya nerufu rwaJesu pamuchinjikwa zuva rekutongwa izuva rekutarisira nekuti kutendeka kwavo kucharipirwa uye upenyu husingaperi uchabva wasimbiswa zvachose.

Rusimbiso rwekuti zuva rekutongwa richavepo runofanira kuzadza moyo yevanotenda nechidokwa-dokwa chekuriona uye kurarama zvinofadza Mwari nguva dzose. Iyi haisi dzidziso inofanira kutityisa yobva yaita kuti kurarame sevanhu varikugombedzerwa kuva pasi pemutemo, asi zvinofanira kuti mutsa kuziva kuti sarudzo imwe neimwe yatinoita zuva rega-rega inezvainoita pane ramangwana redu nekusingaperi. Jesu Kristu wakati; ‘Naizvozvo rindai nekuti hamuzivi zuva richauya Tenzi wenyu’.

Zuva iri richasvika sembavha panguva dzemadekwana, panguva yekuti vazhinji vanenge vasingatarisire. Asi kunevose vakatendeka, vakagadzirira huye varikurindira varimunashe, richava zuva romufaro mukuru nekudekadzwa.

Ngatiraramei zuva rimwe nerimwe tichiziva kuti zviito, mashoko atinotaura nemundangariro wedu zvinechekuita pakugadzira ramangwana redu. Zuva rekutongwa ririkuuya saka ngaritiwane takagadzirira uye takatendeka.

Zuva 2

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Kutonga KwaMwari kwakarurama

Kutonga kwaMwari zvinomboreveiko, ko zvatinoita nekusarudza zvinechekuita nekutonga kwaMwari pamusoro peupenyu hwedu here? Chidzidzo chino chichatibatsira kunzwisisa ngoni nekutonga kwaMwari. Uye tichajekerwa kuti zvatinoita nesarudzo dzatinotora dzinodaidza kutonga nengoni dzaMwari nemutowo upi.

More

Tinoda kutenda Operation Mobilization nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.linkedin.com/in/tinashe-mafuta-44996819a/?originalSubdomain=zw