Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kutonga KwaMwari kwakaruramaChikamu

Kutonga KwaMwari kwakarurama

ZUVA 2 REMAZUVA 3

Kuenderana kwengoni nekutonga kwaMwari

Mushoko raMwari tinodzidza zvaMwari anengoni uye akarurama. Mwari anoregerera uye achiranga kutadza kwose. Dzimwe nguva zvinogona kutiremera kunatsonzwisisa nekubatanidza hunhu hwaMwari uyu- wobvunza kuti sei Mwari vanerudo ndivizve vanotonga ? Kunzwisisa kuenzana kuti Mwari vanetsitsi ndivozve vanotonga zvinotibatsira kunzwisisa hudzamhu hwehunhu hwaMwari uye nehukama hwaanawo nevanhu.

Mwari havatiratidze ngoni dzavo nekuti takakodzera asi nokuda kwehunhu hwavo-ndiMwari vanengoni. Patinowira pasi nekuda kwezvivi, anotinzwira ngoni. Nyaya yemwana muparadzi inotibatsira kunzwisisa ngoni dzaMwari. Zvisinei kuti mwana akange amukira baba bake akaparadza zvose, baba vakamhanya, vakamugashira nekumbumbundikira uye vakabva vamudzosera pachinzvimbo chake chinekuremekedzwa. Ndozvinoita Mwari kana tikatendeuka,zvisineyi kuti takanga tasuduruka kuenda kure naMwari, vanotiregerera. Ngoni dzavo dzinogara dziripo, havatiregerere nekuda kwekunaka kwedu asi nekuda kwerudo rwavo.

Kunyangwe ngoni dzaMwari dzizhinji, kutonga kwake kwakakosha zvekare. Kutonga kwaanoita Mwari kunoratidza hutsvene nekururama kwake. Nokuti Mwari vakarurama, vanofanira kuranga kutadza kwose. Bhaibheri rinotionesa mienzaniso yeapo Mwari akatonga vanhu sedungamunhu uye serudzi rwese mushure mekuita chivi. Sodoma neGomora zvinotiratidza kuti Mwari vanotsamwa kana vanhu vatadza. Munyaya imweyo Tino a Mwari vachiratidza ngoni dzavo kunaRoti nemhuri yake. Vanogadzira nzira kuneavo vanomuda vanomutora senzvimbo yokuhwanda.

Mwari vanotonga nekuti havadi kusarurama. Havangatendere huipi kuti hungoenderera pasina mutongo. Pauro muapostora anoyambira baJudha venguva yake achiti; ‘Nokuda kwekuoma moyo nekusada kutendeuka murikuzviunganidzira kutsamwa pazuva rekutonga raMwari, apo mutongo wake wakarurama ucharatidzwa. Mwari acharipa munhu wose nemabasa aakabata’.

Sevatendi munaKristu, tinofanira kurarama tichicherechedza zvose ngoni nekutonga kwaMwari. Hatingangorarama tichitora ngoni dzaMwari sedambe, totadza tichingoti nekuti vanengoni. Asi tinofanira kurarama mukuziva kuti Mwari umwechete anengoni ndiyezve ndiyezve mutsvene anoruramisa. Kuziva kuti Mwari anotonga nekuranga zvivi zvinofanira kutibatsira kusvika pakutendeuka nekurarama upenyu wakazara nekumuvonga nekuda kwengoni dzake. Izvi zvinofanira kutikutudzira kushumira shoko reruponeso nevamwe tichiziva kuti zuva richasvika apo umwe neumwe achizvidairira pakutongwa pamberi paMwari.

Zuva 1Zuva 3

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Kutonga KwaMwari kwakarurama

Kutonga kwaMwari zvinomboreveiko, ko zvatinoita nekusarudza zvinechekuita nekutonga kwaMwari pamusoro peupenyu hwedu here? Chidzidzo chino chichatibatsira kunzwisisa ngoni nekutonga kwaMwari. Uye tichajekerwa kuti zvatinoita nesarudzo dzatinotora dzinodaidza kutonga nengoni dzaMwari nemutowo upi.

More

Tinoda kutenda Operation Mobilization nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.linkedin.com/in/tinashe-mafuta-44996819a/?originalSubdomain=zw