Kutonga KwaMwari kwakaruramaChikamu
Chiero chekutonga kwaMwari kusingashanduke
Kururama kwaMwari ndonheyo yekutonga kwake. Kutonga kwaMwari kwakarurama uye hakuna chipomero. Hakuna kufanana nematongero anoita munhu ayo anoitwa nekuda kwekuti arikumbonzwei, arikufungei kana kuti akakuvenga kana kukufarira here. Mwari anoziva zvose anoona zvose uye uye anotonga asina rusarura. Matongero ake haashandurwe nemamiriro ezvinhu kana kuva nerusarura. NdiMwari anoenzanisira nguva dzose. Mumararamiro edu anhasi,patinoona huwori nerusarura zvichikonzera sarudzo dzirikutorwa nevanhu, tinofanira kunyaradzwa mukuziva kuti kutonga kwaMwari kwakarurama uye hakuna rusarura. zvisina rusarura asi zvkukonzera kuti tisave nekuenzanisirana musarudzo dzatinotora zuva nezuva.
Bhaibheri rinotirangaridza kuti kutonga Mwari vanotonga muzvokwadi. Izvi zvinoreva kuti Mwari vanoona zvatisingaone nemeso enyama, vanonzvera itsvo nemoyo. Sevanhu tinogona kuvanza zvatiri kufunga nezviri muninga memoyo asi kunaMwari hapana chakavanzika. Mwari havashande nekuratidzika kwemunhu kana kuti nekutenderwa nevanhu, asi neruzivo neuchenjeri hwavo usina chaungapomerwa.
SevaKristu, chokwadi ichi chinotibatsira kurarama mukururama tichiita nechiyero chaMwari chehutsvene, kwete kufadza vanhu. KudanakwaMwari kwakajeka ndekwekuti tirarame muhutsvene; ‘ivai vatsvene nekuti ndiri mutsvene’ Kunyangwe mutongo waMwari hune chiyero chepanusoro chekururama vanotinzwira nyasha. Izvi zvinogoneka bedzi kuburikidza naKristu Jesu. Kuburikidza naJesu tinomira pamberi paMwari baba tisina chatinopomerwa (takarurama) kwete nekururama kwedu asi nekururama kwaKristu kwakaiswa matiri
Mubvunzo watofanira kuzvibvunza ndewekuti tirikurarama zvirimaringe nechiyero chaMwari chekururama sezvakanyorwa mushoko rake here kana kuti tirikurarama sezvinodiwa nenyika?
Tinofanira kudzidza kuvimba mumatongero anoita Mwari, tichiziva kuti anoruramisira nguva dzose. Tinofanira kuyeuka kuti kunyangwe Mwari vachitonga zvisingaenderani nemafungiro edu, ngoni dzake dzinowanzwa kune avo vanomutsvaka vakazvininipisa vane moyo wekutendeuka.
Zvinechekuita neHurongwa uhu
Kutonga kwaMwari zvinomboreveiko, ko zvatinoita nekusarudza zvinechekuita nekutonga kwaMwari pamusoro peupenyu hwedu here? Chidzidzo chino chichatibatsira kunzwisisa ngoni nekutonga kwaMwari. Uye tichajekerwa kuti zvatinoita nesarudzo dzatinotora dzinodaidza kutonga nengoni dzaMwari nemutowo upi.
More
Tinoda kutenda Operation Mobilization nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.linkedin.com/in/tinashe-mafuta-44996819a/?originalSubdomain=zw