Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvibatanidze Kuchitubu CheupenyuChikamu

Zvibatanidze Kuchitubu Cheupenyu

ZUVA 3 REMAZUVA 3

KUVA NEZVIBEREKO KUNOKUDZISA MWARI

Chibereko chemweya chinozvarwa paupenyu hwemunhu kana akatendera shoko raMwari kuti rirarame pane zvese zvakakomberedza upenyu hwake. Zvinobuda pachena pakuonekwa mukugovana nevamwe tariro yeupenyu iri muhana dzedu. Kugara kwedu muna Jesu paupenyu hakuna chokwadi kana tisina kukuratidza kune vatinogara nawo. Munhu haangakwanise kugara muna Jesu kana asingade kugovana nevamwe patariro iri muna Jesu.Tikabatanidza nyaya yekuti Jesu ashandure unhu hwedu nekuti unhu hwedu ihwohwo hugone kubatsirawo vamwe, chokwadi Mwari vacharumbidzwa pakati pendudzi dzevanhu.

Maringe neshoko, Mwari havangakudzwi nekungonamata nekuimba bedzi, asi nekuda kwekubereka zvibereko zvinoita kuti umambo hwaMwari urambe uchienda mberi. Iko kuva nezvibereko ndihwo umbowo unooneka unoreva kuti tiri vateveri vake chaiwo, kana kuti vadzidzi vake. Tinofanira kuva nezvibereko. Kubva muMuzambiringa, tinokarira kuwana michero, nokudaro kubva pamukristu tinofanira kuwana kuzvidzora, kuzvichengetedza pamwe neupenyu. Tinofanira kukudza Mwari nekuita zvakanaka; ndiko kuva nezvibereko. Vasingabereki zvibereko vachabviswa. Uyewo iyo miti yemichero inoda kusakurirwa.

Shoko raKristu rakataurwa kuvanhu vose; rine kusuka munhu kwaritoita richiwanza nyasha nekubvisa huipi. Kubereka zvibereko kwakanyanya, zvichaita kuti tive nezvakawanda, nekutiwo Mwari vakudzwe zvizhinji.

Munamato: Mwari vari kudenga, apo ndichiri panyika ino, ndibatsirei kurarama upenyu hwekukudza imi. Apo ndinoshingairira zuva nezuva kuva munhu akanaka, ndibatsirei kuti mweya wenyu mutsvene unditungamire ndikwanise kuva nezvibereko zvemweya. Zita renyu ngarirumbidzwe. Muzita raKristu. AMENI.

Kuwedzera Kuverenga: Mateo 5:16 | 1 Pita 3:15 | Mapisarema 22:23.

Zuva 2

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Zvibatanidze Kuchitubu Cheupenyu

Johani 15 akazara nerudo rweuMwari pamwechete ne mirairo. Chitsauko ichi chinopenya sechiedza murwendo rwemutendi. Mufananidzo netsanangudzo dze Muzambiringa nematavi avo zvinotiratidza kuti tinofanira kuva neukama hwakanaka naJesu uye kuti tirarame upenyu unezvibereko. Pamusoro paizvozvo, murairo wekudanana unova chiyero cheukama hwedu. Jesu anosimbisisa nyaya yekuti tigare maari chinangwa chiri chekuva nezvibereko.

More

Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL