Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvibatanidze Kuchitubu CheupenyuChikamu

Zvibatanidze Kuchitubu Cheupenyu

ZUVA 2 REMAZUVA 3

ANOTIPA ZVATONOSHUVIRA

Kuti tikwanise kuva nezvibereko zvinofadza Mwari nekuvandudzwa mweya yedu, mumwe nemwe anofanira kugara pachitubu panova panobva upenyu hwemweya. Makristu anofanira kugara muna Kristu mukuteerera kwavo kune zvakatemwa naye. Nenzira iyoyi, Ishe vanofara nekuda kwedu. Tinopiva zvatinoshuvira nekuda kwekuti takabatanidzwa nechitubu chinopa makomborero ose. Kubatanidzwa zvinoreva kuva paine wirirano nekutaurirana kwakanaka naye.

Ukama hwedu naKristu, nechimiro chahwo ndizvo zvinoita kuti mikumbiro yedu ipindurwe. Zvakadaro, Jesu anotaura kuti tinofanira kukumbira muzita rake, tiri pakuita sezvaanoda uye kuti kukudzwa kugopiwa iye. Kana vanhu vaMwari vakagara zvirikwazvo muna Jesu, vanoshuwira zvinodiwa naye, uye vachinamata nemashoko ake. Minamato iyoyo inomufadza.

Chakakosha mukuziva zvingadiwa naMwari tiri mumunyengetero, kukumbira kubudikidza nemazwi ake. Kana tikaita saizvozvo, tinoziva kuti zvatakumbira tinozviwana. Kumbira zvose zvaunoda, Mwari vachakuitira. Asi hazvingarevi kuti chero chatafunga pamoyo nemupfungwa tinochipiwa, kuita sekunge Mwari vanoudzirwa nesu. Kwete, asi kana shoko rake richigara matiri uye tichikumbira sezviri mushoko rake, vachatipa.

Munamato: Ishe Jesu, ndinotenda kuti munonzwa minyengetero yangu. Ndibatsirei kuti ndione kuti pasina imi, hapana chandinokwanisa kuita. Ndinoisa mikumbiro yose yemoyo kwamuri. Munoziva izvo zvinondikoshera muupenyu hwangu. Dzimwe nguva ndinonamatira zvinoparadza upenyu hwangu. Ndipei Mwari izvo zvingaita kuti ndikudze imi. Ndibatsirei kuti ndiwe nekuzvininipisa mamuri. Muzita raJesu. AMENI.

Kuwedzera Kuverenga: VaFiripi 1:11 | VaKorose 1:23 | Johani 14:20.

Zuva 1Zuva 3

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Zvibatanidze Kuchitubu Cheupenyu

Johani 15 akazara nerudo rweuMwari pamwechete ne mirairo. Chitsauko ichi chinopenya sechiedza murwendo rwemutendi. Mufananidzo netsanangudzo dze Muzambiringa nematavi avo zvinotiratidza kuti tinofanira kuva neukama hwakanaka naJesu uye kuti tirarame upenyu unezvibereko. Pamusoro paizvozvo, murairo wekudanana unova chiyero cheukama hwedu. Jesu anosimbisisa nyaya yekuti tigare maari chinangwa chiri chekuva nezvibereko.

More

Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL