Zvibatanidze Kuchitubu CheupenyuChikamu

Zvibatanidze Kuchitubu Cheupenyu

DAY 1 OF 3

GARA MUNA JESU

Mufananidzo weMuzambiringa nematavi avo muenzaniso wekudzidzisa kwakanaka pamusoro peukama wezvinhu zviviri izvi. Bazi haringakwanise kurarama riri rega risina kubatira pahunde yemuti. Kana rikange ratemwa, changosara kusvava, kuoma nekufa. Ndiwo ukama uripo pakati paJesu nevanotenda kwaari. Sekufamba kunoita zvinovaka muviri weMuzambiringa kuenda kumatavi, ndizvowo zvinoita upenyu hwemweya kubva kuna Ishe. Zvinotikoshera kwazvo kuswedera padyo naye.

Jesu ndiye chitubu cheupenyu hwedu. Tinofanira kucherechedza kuti Kristu ndiye mvura yeupenyu hwedu inoita kuti tirambe tichirarama. Ukama hwuripo paMuzambiringa (Jesu) nematavi (makristu) unofanira kuchengetedzwa. Pese paidzidziswa naJesu, aivimbisa kupa mvura yeupenyu. Mvura inoita kuti chinhu chose chikure zvakanaka. Mvura mhenyu ndihwo upenyu. Ndiyo inogutsa mweya yedu. Kana tichida upenyu, tinofanira kubatira pana Jesu.

Jesu anobuditsa pfungwa inotionesa kukura kweropafadzo yake yaanopa. Naizvozvo, tinofanira kugamuchira nekuziva kuti pasina iye, tiri vanhu vekutsva, uye nekuva nenyota mukati medu. Tinofanira kutora Kristu saiye anopedza nyota yedu. Tinofanira kurarama nekutenda kwedu. Hazvina kukwana bedzi kungoziva, asi tinofanira kuita chimwe chinhu pamusoro pezvatakapiwa naIshe. Dzimwe nguva tinotorwa nemhepo yenyika tobva pachitubu cheupenyu. Jesu anoda kuti tigare maari kuti tikwanise kutiza pakuparadzwa negehena. Hatidi kuva matavi asina pundutso, asi kuti tikure nekuva nezvibereko.

Munamato: Tinonokutendai Mwari vedu vari kudenga nekuda kwaJesu Kristu Muzambiringa wechokwadi. Tinofara kuti nekuda kwenyasha dzake, takabatanidzwa maari. Hatikwanise kurarama tisina chitubu cheupenyu. Titenderei kuti tigare maari nguva dzose nekukwanisa kubereka zvibereko zvinofarirwa nezvisikwa zvose. Muzita rake tinonamata. AMENI.

Kuwedzera Kuverenga: 1 VaKorinde 15:58 | Johani 7:38 | Johani 4:10.

Rugwaro

Zuva 2

About this Plan

Zvibatanidze Kuchitubu Cheupenyu

Johani 15 akazara nerudo rweuMwari pamwechete ne mirairo. Chitsauko ichi chinopenya sechiedza murwendo rwemutendi. Mufananidzo netsanangudzo dze Muzambiringa nematavi avo zvinotiratidza kuti tinofanira kuva neukama hwakanaka naJesu uye kuti tirarame upenyu unezvibereko. Pamusoro paizvozvo, murairo wekudanana unova chiyero cheukama hwedu. Jesu anosimbisisa nyaya yekuti tigare maari chinangwa chiri chekuva nezvibereko.

More

Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL