Kushingirira ChinangwaChikamu
![Kushingirira Chinangwa](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapi.com%2Fhttps%3A%2F%2Fs3.amazonaws.com%2Fyvplans%2F51526%2F1280x720.jpg&w=3840&q=75)
NGATINGOTARISAI KUMUSORO
Chinangwa chenhangemutange yaPauro aiwa Kristu. Kristu ndiye aiwa danho rekupedzisira. Chinyorwa chinotiudza kuti akava nekunanambira, kumhanya zvinesimba akatarira chinangwa. Muenzaniso wekumhanya unoonesa pachena. Mukundi pakumhanya anokanganwa vose vaari kumhanya nawo kana vari shure kwake otarisana nechinangwa chake. Pauro anoti anokanganwa zvose zveshure otarisa chinangwa chake.
Rangarira kuti Pauro aiwa muusungwa paanonyora tsamba iyi. Aiwa nekuvimba neutongi hwaKristu panguva dzose dzakare nedzinouya. Akashuvira kufanana naye pakufunga kunyange nezviito. Nhangemutange yemakristu ndiyo yega inomhanyiwa tichiziva kuti takakunda nechekare. Tiri waKristu uye upenyu hwedu maari unofadza kana tikaramba tiine kushingirira. Zvinorwadza zvakanyanaya kana mumhanyi akakundikana pakumhanya kwake kana kuti mukristu akanyozera achifunga kuti atosvika pakupedza kumhanya kwake. Ngatitarirei mberi tirambe tiine kushinga nekuti tine upenyu mukutarisa kumusoro uko kuna Mwari. Patinonyanyisa kufunga nezvaKristu nekurarama zvaanoda, ndikowo kukura kwedu pakufanana naye paunhu, nemaitiro.
Mukudzivirira zvimhingamupinyi zvose, ngatingoramba takatarisa muchinjiko waJesu. Ngatitarisei kuna Mwari anotipa mubairo kubudikidza naJesu Kristu. Ngatiisei zvose zvinorema parutivi tomhanya takasununguka.
Munamato: Mwari vari kudenga, mazvita nemukana wamakandipa kuti ndiwe mwana wenyu. Ndibatsirei kuti ndirarame upenyu unofadza imi. Nditenderei kumhanya nhangemutange yamakandiisira imi, uye kuti ndirambe ndiine kushingirira kune zvamakandidanira. Tenderai kuti vose vanotenda kwamuri vawane mubairo wamakavachengetera. Muzita raJesu. AMENI.
Kuwedzera Kuverenga: VaHeberu 12:1-2| 2 Timoti 4:7| 2 Pita 3:13.
Rugwaro
Zvinechekuita neHurongwa uhu
![Kushingirira Chinangwa](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapi.com%2Fhttps%3A%2F%2Fs3.amazonaws.com%2Fyvplans%2F51526%2F1280x720.jpg&w=3840&q=75)
Shoko raMwari riri kuramba richiyeuchidza VaFiripi kunyange nesuwo kuti kubudikidza nekutenda kwedu, Kristu vakatichengetera nzvimbo. Apo tinoramba tichiziva Kristu, tinorambawo tichiona kusanyanya kukosha kweupfumi hwenyika ino. Chinangwa chedu ndeche kuziva Kristu nesimba rake. Vakakomborerwa avo vanovimba nekuva nemufaro muna Jesu.
More
Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL