Kushingirira ChinangwaChikamu
![Kushingirira Chinangwa](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapi.com%2Fhttps%3A%2F%2Fs3.amazonaws.com%2Fyvplans%2F51526%2F1280x720.jpg&w=3840&q=75)
RAMBA UCHIEDZA UGOKURA
Kangani katinodzoserwa kumashure nezvinhu zvinotikanganisa? Tinopedzisira tochinja nzira dzedu kana kupedzisira tagumburwa. Pauro akanga achiziva kuti ndizvo zvaaiva anazvo, ndosaka akada kuti arambe akabatikana nezvaKristu, kuti arambe achishandira chinangwa chake mukusangana naKristu nesimba rekumuka kuvakafa.
Pauro akanga achiziva kuti akanga achiri kukurawo pamweya, sezvatiri kungoitawo. Pakanga pachine zvizhinji zvaaida kuzivawo, kudzidza uye nekuona. Zvanga zvakaoma sei! Heuno murume mukristu akararama achipupura chido chake kuti ave munhu anokura pakuziva ishe. Uku ndiko kuedzwa kukuru: kubvuma kuti zvinokodzera kuti arambe achikura.
Hakuna munhu angati akadzidza, ave kuziva zvose zvinofanira kuzivikanwa, kana angati akura zvakakwana pamweya. Kunyange zvakadaro, makristu dzimwe nguva havadi kuti vange vachikura. Maitiro edu nemashandisiro enguva anotinyengera kuziva kuti tingade kukura. Chii chatiri kuita ikozvino chinoratidza kuti tine nzara nenyota yekuda kuziva Kristu.
Kugutsikana neruzivo rwatiinarwo chiratidzo chekusada kukura kwedu. Ngatirambei tichizvibvunza kuti: ndingaziva sei pandingade kukura muna Kristu? Ndepapi pandaratidza kukura uye ndepapi pandingade kukura? Namata kuti Kristu agokuratidza apo paungada kuziva, woramba uchiedza.
Munamato: Ndinouya pamberi pechigaro chenyu chenyasha nesimba Mwari wangu. Ndinotenda nekugadzira nzira iyo yamunoda kuti tifambe nayo. Apo tiri kuvavarira kuti tiraramire utsvene pamberi penyu, mweya mutsvene ngautibatsire pakufamba kwedu. Tidzidzisei kuvimba nemi. Kunyange patinokundikana, tisimudzei kuti tirambe tichiedza kudzamara tapedza rwendo. Muzita raKristu. AMENI.
Kuwedzera Kuverenga: VaHeberu 3:1| VaKorose 3:1-4
Rugwaro
Zvinechekuita neHurongwa uhu
![Kushingirira Chinangwa](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapi.com%2Fhttps%3A%2F%2Fs3.amazonaws.com%2Fyvplans%2F51526%2F1280x720.jpg&w=3840&q=75)
Shoko raMwari riri kuramba richiyeuchidza VaFiripi kunyange nesuwo kuti kubudikidza nekutenda kwedu, Kristu vakatichengetera nzvimbo. Apo tinoramba tichiziva Kristu, tinorambawo tichiona kusanyanya kukosha kweupfumi hwenyika ino. Chinangwa chedu ndeche kuziva Kristu nesimba rake. Vakakomborerwa avo vanovimba nekuva nemufaro muna Jesu.
More
Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL