Kushingirira ChinangwaChikamu
![Kushingirira Chinangwa](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapi.com%2Fhttps%3A%2F%2Fs3.amazonaws.com%2Fyvplans%2F51526%2F1280x720.jpg&w=3840&q=75)
KANGANWA ZVESHURE
Kusimudzirwa kwekuramba tichishingirira kunouya nekuziva kuti hatisati tave kuziva zvakakwana kuti tizova naJesu. Pauro, kunyange nesu makristu tinoshingirira kuti tiwane izvo takadanirwa. Zvakadaro, nyika ino hausi musha wedu. Tiri kumirira kuti tidarike tichienda kumusha watakasikirwa.
Kana tichingori mumuviri uno watiinawo, takachapatsanurwa nenyika iyo yatisingakwanisi kuona nemaziso edu enyama. Patinonyanya kuramba tichikura mukuziva Kristu, ndiko kukura kunoitawo chido chedu chekuzova naKristu. Kana tiine chivimbo chekuti tine upenyu uchauya kana tichinge tafa, tinofanira kugara muuvapo waIshe. Hatingatenderi kuti zvigumbuso zvenyika ino zvitibvise pakuvavarira kuzogara upenyu usingaperi. Semakristu, hatifaniri kutarira zvenyika yeshure.
Tine mifungo yakawanda inogona kutikanganisa pakukura kwedu pamweya. Tichiri mukati mekurwisana nematambudziko enyika ino, zvakare tichirimo munyika yezvitadzo. Kunyange zvakadaro, kubwinya kwenyika inouya kunongoratidzwa. Tichifunga izvi mupfungwa dzedu, hatifaniri kutendera kuti mifungo yakadai ikanganise tarisiro yeupenyu unouya. Ngatikanganwei zvekumashure totarisa izvo zviri mberi kwedu.
Munamato: Baba wedu vari kudenga, tinotenda neshoko rinotiudza kuti tikanganwe izvo zvinotitadzisa kuti titarire kwamuri. Ndinonamata kuti mutipe ushingi nesimba kuti tirambe tichishingirira kuva vakatendeka pamberi penyu. Ndinoziva Mwari handina kutendeka. Ndinotadza pamberi penyu. Ndiregererei Ishe nekuda kwenyasha dzenyu dzisina mugumo. Muzita raJesu. AMENI.
Kuwedzera Kuverenga: 2 VaKorinde 5:1-8: VaFiripi 1:23| Ruka 9:62
Rugwaro
Zvinechekuita neHurongwa uhu
![Kushingirira Chinangwa](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapi.com%2Fhttps%3A%2F%2Fs3.amazonaws.com%2Fyvplans%2F51526%2F1280x720.jpg&w=3840&q=75)
Shoko raMwari riri kuramba richiyeuchidza VaFiripi kunyange nesuwo kuti kubudikidza nekutenda kwedu, Kristu vakatichengetera nzvimbo. Apo tinoramba tichiziva Kristu, tinorambawo tichiona kusanyanya kukosha kweupfumi hwenyika ino. Chinangwa chedu ndeche kuziva Kristu nesimba rake. Vakakomborerwa avo vanovimba nekuva nemufaro muna Jesu.
More
Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL