Kuona Nyasha Dzamwari Muvamwe VanhuChikamu
NGATIVE NEKUTENDA KUNE VATSVENE
Kana munhu achinge aita zvakanaka, zvinokosha kumutonderawo. Mifungo yakanaka inovaka ukama pakati pevanhu. Zvakanaka sei kutondera vatsvene kana vachinge vaita zvakanaka? Kereke yepaFiripi ndeimwe yekereke yakaunza mifungo yakanaka kuna Pauro apo akatondera zvikuru zvose zvakanaka zvaakanga aitirwa munguva yakatanga kereke panzvimbo iyi.
Chimiro chevatendi vepakereke iyi kwakanakidza Pauro zvikuru kusvika pakuti minyengetero yake yose, aivarangarira nekuvanyengeterera kuna Mwari. Ane nguva yaakavanyengeterera zvakare ari mutirongo. Muminyengetero yedu yose sevatendi, tinofanira kurangarirawo vanhu vaMwari vose vari kuita zvakanaka kune vamwe vanhu. Kurangarira nekunyengeterera vamwe kunounza mufaro kune vose, ari kunyengetera neari kunyengetererwa. Mukuita izvi, makristu anokwanisa kurarama semhuri imwe, vaine mufaro murunyararo rwaMwari nekumurumbidza.
Pauro akanyengeterera VaFiripi aine mufaro. Wakambonyengetererawo vamwe vakristu here? Wakaunzwa sei mufaro mauri apo wakanyengeterera dzimwe hama? Kazhinji zhinji tinongozvifunga isu toga. Tikadaro, hatikwanise kuona kunaka kuri muvamwe vanhu. Mufaro unouya mukubatana paivhangeri zvisiri zvekuzivana pamari chete, asi paukama hwekuwadzana kwedu.
Munamato: Ndinokutendai Jesu neshoko renyu rinorarama, rinoramba richitidzidzisa nguva nenguva. Tibatsirei kugamuchira nekutenda avo vose vane zvizhinji zvavakaita kwatiri. Tidzidzisei kuvatenda kuti tigova nemufaro mavari. Nekudaro, tikwanise kurarama semhuri inodikanwa nemi. Muzita raJesu. AMENI.
Kuwedzera Kuverenga: VaEfeso 1:16| 1 VaTesaronika 1:2
Rugwaro
Zvinechekuita neHurongwa uhu
Achitarisa ari muusungwa hweChiRoma, Pauro anotarira mufaro waiwa mubasa rake, kushandira Kristu pamwechete nevanhu. Anobuditsa pachena mufaro nekutenda, chiri chinhu chinobuditsa chikristu. Zvisinei nezvakatikomberedza, tinokwanisa kuva nemufaro chaiwo muchimiro ichocho. Pauro anoona kuraramira Kristu nemoyo wakaperera nekufungawo vamwe vanhu zvinounza mufaro nerukudzo. Ungasimudzirawo vamwe sei mukufamba naKristu kwavanoita?
More
Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL