Kuona Nyasha Dzamwari Muvamwe VanhuChikamu
KURARAMA MUNYASHA NEMURUGARE
Mwari akamboita sei? Pauro anotipa mhinduro mukukwazisa kwake pakutanga kwetsamba yake kuVaFiripi: nyasha nerugare. Mwari akamboiya sei? Nyasha! Chii chinoitika mukufunganya nekutya kana wasangana nenyasha? Runyararo! Pauro mukuziva Mwari kwake- dzidziso yako, shoko rake nezvakadzama zvaanotaurira vatendi vepaFiripi zvinogona kududzirwa nemashoko maviri chete (nyasha nerugare).
Nyasha dzinotiudza chimiro chaMwari nepazviito zvake. Shoko iri rinotsanangura rudo rusina chiyero runopiwa vamwe vanhu nemoyo wakaperera pasina kufunga kuzodzoserwa. Kuna Pauro, nyasha dzainge dzakaburuka kubva pamuchinjiko. Kana tichinge taona zvatakaita nechipo cheupenyu; kana kufunganya kwedu pamusoro pekupatsanurwa muna Mwari kuchinge kwakabviswa; uye kana tikava neruzivo rwekuti Mwari vakatida kunyange tiine zvizhinji zvatainge takaita zvisina kururama- ndidzo dznonzi nyasha! Zvinoreva kuregererwa, kugamuchirwa, nekutanga upenyu utsva hwatisina kunge takakodzera.
Runyararo rwakauya kubudikidza nenyasha. Zvinongoreva “kubatanidzwa pamwechete.” Nemamwe mazwi, runyararo rwunouya nekuda kwerudo rusina kuganurwa runobatanidza upenyu uhwo hwakange hwakaputsika kuva chinhu chakazara. Mwari vari pakutungamira zvose. Vakatiregerera zvinhu zvakare, vari pakutonga kweupenyu hwuno nekuratidza nzira yezuva rimwe nerimwe.
Ndinoti, nyasha nerugare ngazviwe kwamuri!
Munamato: Mwari vedu vazere nenyasha, tinokurumbidzai nekuti makafanira nerumbidzo. Munyasha dzenyu tinoona kuzara kwenyu. Tinorarama murunyararo nekuda kwenyasha dzenyu. Titungamirei kunyasha zhinji uko kune mufaro wedu. Zvivi zvedu zvakaregererwa nekuda kwenyasha dzenyu. Ndinokutendai Mwari nekuda kwezvamakandiitira. Muna Jesu ndinonamata. AMENI.
Kuwedzera Kuverenga: VaGaratiya 2:20| Mabasa 22:16| 1 VaKorinde 1:2
Rugwaro
Zvinechekuita neHurongwa uhu
Achitarisa ari muusungwa hweChiRoma, Pauro anotarira mufaro waiwa mubasa rake, kushandira Kristu pamwechete nevanhu. Anobuditsa pachena mufaro nekutenda, chiri chinhu chinobuditsa chikristu. Zvisinei nezvakatikomberedza, tinokwanisa kuva nemufaro chaiwo muchimiro ichocho. Pauro anoona kuraramira Kristu nemoyo wakaperera nekufungawo vamwe vanhu zvinounza mufaro nerukudzo. Ungasimudzirawo vamwe sei mukufamba naKristu kwavanoita?
More
Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL