Kuona Nyasha Dzamwari Muvamwe VanhuChikamu

Kuona Nyasha Dzamwari Muvamwe Vanhu

DAY 1 OF 3

VATSVENE VAKRISTU

Kwaziso yaPauro kuvanhu vaMwari kune ruremekedzo nekusimudzira zviine chinangwa cheivhangeri. Kune avo vakasarudzwa naMwari vanofanira kuwana rukudzo nekuda kwesarudzo yavakaita yekutevera nzira yeruponeso. Shoko riri kushandiswa naPauro rekuti “vatsvene” riri kureva munhu akazvipira pakurara upenyu hwekutenda kuna Mwari zvisinei nematambudziko akapoteredza upenyu hwake.

Tinofanira kuzvifunga sevatsvene. Nderimwe zita rinotaurwa zvakanyanya muTestamente itsva rinoreva zvakafanana nekuti mukristu. Ishoko iro Pauro anoshandisa achikwazisa vatendi vaiva pakereke yeFiripi. Soko rekuti mutsvene hatingati rava zita. Asi, rinotitondedza kuti kubudikidza nenyasha dzoga, Mwari vakatisanangura, vakatitsaura kuti tive vanhu vake. Kana munhu akatidaidza neshoko rekuti vatsvene, tiri kutondedzwa nezve nyasha dzaMwari. Tinogona kushandisa shoko iri zvakanyanya nekuti rinobuditsa kunaka kwekudanwa kwedu kuti zvakangouya sechipo, kwete nekugona.

Mukutarisa, tichiona kereke yakaungana ichiteerera mashoko aPauro mutsamba yake, tinoona kushamisa kwekusangana kwevanhu. Kereke yaiva nekugona, neumwechete, isingasarudzi pakuyanana kwawo kunyange vaiva vanhu vane kusiyana. Vose vaiva vatsvene; kwete kuti vaiva vakwaniswa kare pautsvene, asi vaiva vakadanwa nokusarudzwa sevanhu vaMwari.

Rudo rwaMwari neuvapo hwake hazvitambidzwi kuboka revanhu, asi kune avo vose vanozvizarura kuna Mwari, nekupa upenyu hwawo kwaari, nekuteerera kune zvose zvinoda kunzi naMwari zviitwe.

Munamato: Jehova Mwari, tinotenda zvikuru nenyasha dzinoshamisa dzakapiwa kunyika. Tinotenda nekutipa zita rinokosha rinotitondedza nezve rudo rwenyu. Munguva yatinodana vamwe nezita rekuti “vatsvene” tibatsirei kuti tikunzwisisei zvakawedzerwa, uye kuti tirarame sekuda kwenyu. Muzita raJesu tinonamata. AMENI.

Kuwedzera Kuverenga: VaKorose 1:2| 2 VaKorinde 1:1| Mabasa 20:28

Zuva 2

About this Plan

Kuona Nyasha Dzamwari Muvamwe Vanhu

Achitarisa ari muusungwa hweChiRoma, Pauro anotarira mufaro waiwa mubasa rake, kushandira Kristu pamwechete nevanhu. Anobuditsa pachena mufaro nekutenda, chiri chinhu chinobuditsa chikristu. Zvisinei nezvakatikomberedza, tinokwanisa kuva nemufaro chaiwo muchimiro ichocho. Pauro anoona kuraramira Kristu nemoyo wakaperera nekufungawo vamwe vanhu zvinounza mufaro nerukudzo. Ungasimudzirawo vamwe sei mukufamba naKristu kwavanoita?

More

Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL