Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

HATISIIWE TIRI TEGAChikamu

HATISIIWE TIRI TEGA

ZUVA 3 REMAZUVA 3

MWEYA UNOTITUNGAMIRA

Kristu anodudzira kuti “Mubatsiri” uyu mweya wechokwadi. Nyika, kunyange nechimiro chayo yakaramba kugamuchira Kristu, haina kufanira kuti ione, kuziva, nekugamuchira Mweya iwoyu. Avo vanorarama nekunyengera kwenyika uye nemifungo yenyika ino havangakwanise kunzwisisa zvinhu zvemweya kana vakaramba vaine unhu hwakadaro. Nerimwe divi, vaapositora vakanga vakakwaniswa nekuda kwekuti vaiva nekutenda pamwechete nekutendeka. Kunyange munguva yeshure, Mweya Mutsvene akanga ainavo. Vakanga vari muuvapo hwaJesu uyo akanga azere nemweya, uye akagovana nawo mweya iwoyo.

Mweya Mutsvene uri pamutendi umwe neumwe, asi kwete nenzira imwechete yaaiva kuvaApositora avo vakapiwa simba rekuita zviratidzo nezvishamiso. Mweya unotibatsira kutiratidza zvose izvo Mwari zvaanoda kuti tizive. Zvakaratidzwa zvinosanganisa izvo Kristu zvaanoda kuti tiite kubudikidza neshoko rake kubva mumagwaro. Mweya unotibatsira kupupura Jesu, kusimudzira Kristu pamwe nevhangeri rake.

SemaKristu, ngatitendere Mweya Mutsvene kuti utonge paupenyu hwedu nekumutendera kuti atitungamirire munzira dzokururama. Apo tinokundikana, anotiudza kutadza kwedu kubudikidza neshoko rake rakafemerwa.

Munamato: Baba wedu wekudenga, ndinokutendai naJesu nemweya wechokwadi unotichengeta nekutitungamirira. Mweya ngaurambe uchishanda matiri kuti nditungamirwe muchokwadi chose. Simbisai kutenda kwangu mazuva ese pese pandinoverenga shoko renyu rakafemerwa. Ndinoda kugara muuvapo hwenyu. Muzita raJesu. AMENI.

Kuwedzera Kuverenga: Mabasa 2:38, 2 Timoti 1:14, 2 Timoti 3:16-17

Zuva 2

Zvinechekuita neHurongwa uhu

HATISIIWE TIRI TEGA

Heano mashoko anopa kunyaradzwa kunopenya nechiedza munzira dzevatendi vose. Jesu anovimbisa nezve kugadzirwa kwenzvimbo dzekugara, nekududzira kuti iye ndiye nzira, chokwadi neupenyu, nekuvimbisa Mweya Mutsvene uyo unopa kuzorodza nekutungamirirwa. Pamusoro pazvo, kudzidzisa kwake pakutendeka sechiratidzo cherudo kunotsanagura ukama hwedu naMwari.

More

Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL