Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

HATISIIWE TIRI TEGAChikamu

HATISIIWE TIRI TEGA

ZUVA 1 REMAZUVA 3

CHENGETA MITEMO YAKE

Apo rufu rwaJesu rwanga rwoswedera, akasimbisa kuvadzidzi vake neshoko rekuti nguva yake yakwana, nekudaro anofanira kuenda. Neimwe pfungwa Johani anobuditsa kuti Jesu akanga oita “urongwa hwenguva yekupedzisira.” Murairo waJesu wakanga uri wekuti tidanane sekudzidzisa kwaakanga aita. Ndiro rudo rwaakanga ainarwo kuvadzidzi vake. Vanhu havatarise kuti unoziva zvakadii pamusoro perudo, asi vanoda kuona kuti unoruita here.

Makristu haafanire kungoparidza rudo nemashoko emuromo chete, asi kuratidza nezviito. Kuita izvi kunova mharidzo huru uye nyika inoona kuti tiri vateveri vaKristu chaivo. Mukuchengeta murairo waJesu, takafanira kunge tiine ukama hwakanaka naye. Upenyu hwedu hwechikristu unobva kuna Ishe, nokudaro tinofanira kuramba takabatirira paari nokuchengeta zvose zvaakatidzidzisa.

Kristu waiziva kuti zvaiva nyore kuti vateveri vake vasvike pakutsaurwa nedzimwe dzidziso dzaizouya mumashure make. Zvaizokonzera kupandana kwevadzidzi nevateveri vose. Chinhu chimwe chaizovabatanidza nekubatanidzawo isu kuchengeta murairo wake nekugara pedyo naye. Kuti isu tichengetedze ukama ihwohwo, tinofanira kusimbisa kutenda kwedu kubudikidza nekutenda muna Mwari nemuna Jesu. Kana tichida kuchengeta ukama hwedu naIshe, hakuna chingabvisa kutenda kwedu kwakasimba.

Kutenda kwakasimba kunouya nekuchengeta murairo waJesu; kumuda iye nekudanana pachedu. Inzira dzipi dzausina kuratidza rudo nhasi? Paunenge uchitarira nezvazvo, tendera kuti rudo rugare mauri.

Munamato: Baba vedu vari kudenga, ndinokutendai nerudo rwenyu rusina mugumo uye nekutenda nekukunda kwedu kwatiinako muna Kristu Jesu. Apo tinoedza kufanana nemi, simbisai kutenda kwedu motibatsira kuti tidanane uye tikudei mukuchengeta murairo wenyu. Tizadzei neushingi nekuvimba nemi. Muna Jesu tinonamata. AMENI.

Kuwedzera Kuverenga: Johani 13:35, Johani 15:5, 1 VaKorinde 13:1-2

Zuva 2

Zvinechekuita neHurongwa uhu

HATISIIWE TIRI TEGA

Heano mashoko anopa kunyaradzwa kunopenya nechiedza munzira dzevatendi vose. Jesu anovimbisa nezve kugadzirwa kwenzvimbo dzekugara, nekududzira kuti iye ndiye nzira, chokwadi neupenyu, nekuvimbisa Mweya Mutsvene uyo unopa kuzorodza nekutungamirirwa. Pamusoro pazvo, kudzidzisa kwake pakutendeka sechiratidzo cherudo kunotsanagura ukama hwedu naMwari.

More

Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL