HATISIIWE TIRI TEGAChikamu

TINE CHIVIMBISO CHEMWEYA MUTSVENE
Jesu akanga achiziva pachena kuti akanga asara nenguva diki diki yekurarama, kunyange zvakadaro, aibatikana neupenyu hwevadzidzi wake. Kusazvifunga kwake nekukoshesa vamwe zvinotisimudzira zvikuru. Kuenda kwaJesu kwakaita kuti kubatsire vaapositora zvikuru, uye nesuwo takabatsirikana. Kuenda kwake kwakaita kuti tive neumwe “Mubatsiri”, ari Mweya Mutsvene uyo anotitungamirira muchokwadi. Mweya semubatsiri wedu anova mumiriri weruponeso rwedu.
Jesu anosimbisisa kuti ukama hwake, naMwari naMweya Mutsvene unosanganisirawo nesu vatendi. Mweya Mutsvene uchava nesu kweupenyu hwedu hwose kana tichinge tagona kugamuchira kuti Jesu ndiye Ishe wedu. Iye achagara muvatendi nekusingaperi, achishanda semumiriri waJesu panguva yatisinaye ikozvino nenzira itsva ine simba. Mukushandira Mwari kwose kwatinoita, tinofanira kuvimba nebasa reMweya Mutsvene matiri. Jesu akativimbisa kuti achava mubatsiri wedu.
Kunyange tiine chivimbiso cheMweya Mutsvene, iwo Mweya hauzobvisi zvigumbuso zvose zviri munzira dzedu, asi anotipa simba rekuzvikunda. Ndezvipi zvigumbuso zvauri kusangana nazvo apo uri kuedza kushandira Mwari? Wakaneta here, hazvina kurongeka here, kana kuti uri kumira wega pabasa rako? Tora nhanho yakasimba utendere Mweya Mutsvene akutungamire.
Munamato: Tinokutendai Jesu nechivimbiso cheMweya Mutsvene. Nazvino tinorarama naye apo anotitungamira munzira dzedu. Tibatsirei kuti tigare tichipa nzeve dzedu tinzwe zvaanodzidzisa. Tine nzvimbo muhana dzedu kutiagare. Muzita raJesu tinonamata. AMENI.
Kuwedzera Kuverenga: Ezekieri 39:29, VaRoma 8: 26-27, VaEfeso 6:18
Rugwaro
Zvinechekuita neHurongwa uhu

Heano mashoko anopa kunyaradzwa kunopenya nechiedza munzira dzevatendi vose. Jesu anovimbisa nezve kugadzirwa kwenzvimbo dzekugara, nekududzira kuti iye ndiye nzira, chokwadi neupenyu, nekuvimbisa Mweya Mutsvene uyo unopa kuzorodza nekutungamirirwa. Pamusoro pazvo, kudzidzisa kwake pakutendeka sechiratidzo cherudo kunotsanagura ukama hwedu naMwari.
More
Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL