Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kuratidza Simba RekutendaChikamu

Kuratidza Simba Rekutenda

ZUVA 2 REMAZUVA 3

KUISWA PACHENA

Apo Pita naJohani vakanga vari munzira kuenda kutemberi, kune mumwe akanga atoriko nechekare, kwete kuzonamata asi kutsvaga nzira yekurarama. Murume aiva akaremara kubva mudumbu ramai wake. Aiendeswa kutemberi kuzopemha. Pagedhi raaiiswa paiva panzvimbo yaaikwanisa kuonekwa nemunhu wese. Kupa vanopemha yaiva nzira yairumbidzwa chaizvo patsika yechiJudha. Nokudaro, vose vaipinda nekubuda kundonamata vainzwa kuti vanofanira kubatsira.

Makristu vanofanira kutarira zvavanazvo kuti vakwanisewo kubatsira vamwe. Vazhinji vane kuremara kwavainako vakaiswa panzvimbo dzinooneka kuti Mwari vazorumbidzwa nekuda kwekuvabatsira kwatinenge taita. Pita naJohani vakashandisa simba retarenda ravakanga vapiwa naMwari kubatsira munhu aishaya. Vamwe vanhu vanorarama nekuda kwetsitsi dzevamwe vanhu. Tinofanira kuvapa tariro kana tichinge tasangana nevakadaro.

Mharidzo hadzina kukwana kuti tigone kubatsira vanhu. Varume nevakadzi vane upenyu hwakazadzwa nechokwadi cheshoko raMwari vanofanira kuratidza rudo rwavo pakubatsira vamwe. Mwari vari kutsvaga vanhu vakadaro vanoshandura upenyu hwevamwe vanhu. Tinosanga nevanhu vakaremara mazuva ose munzira dzatinofamba. Tinawo mudzimba dzedu matinogara. Vakaiswa pakati patinovaona. Ngatizvibvunzei mubvunzo. Tiri kuitei kune vanhu vakaremara?

Ibasa remukristu wese kunzwira tsitsi kune vamwe zvisinei nechimiro chepanyama kana pamweya. Vanokwanisa kurumbidza Mwari kana tichinge tavaitira zvakanaka. Zvino inguva ipi yaucharatidza ukristu kubudikidza nekubatsira vamwe?

Munamato: Mwari vari kudenga. Ndinonamata nhasi uno kuti mweya wenyu utibatsire kuti tinzwe kuda kubatsirawo vamwe. Ndishandisei semudziyo wenyu kuti ndikwanise kusvikawo kuvazhinji. Makatikomborera nemaropafadzo mazhinji. Ndibatsirei kuti ndikwanise kuatambanudzirawo kune vamwe. Muzita raJesu ndinonamata. AMENI.

Kuwedzera kuverenga: Mateo 25:42-46| Jakobo 1:27| 1 Johani 4:20.

Rugwaro

Zuva 1Zuva 3

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Kuratidza Simba Rekutenda

Chitsauko chechitatu chaMabasa chinotiratidza kukura zvine simba kwerutendo muna Jesu. Kubva pakuporeswa kwemurume akaremara kusvika pakuparidza kwaPita tinoona vaapositora, vachisundwa neMweya Mutsvene kuva vashandiri vanobuditsa pachena ukuru hwesimba raMwari. Zvinotisimudzira kuti tibatirire kusimba reruponeso nerudzikinuro rwatakapiwa naKristu, sezvazvakaitwawo kuvanhu veJerusarema.

More

Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanyira: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL