Kuratidza Simba RekutendaChikamu

Kuratidza Simba Rekutenda

DAY 1 OF 3

BOKA REVANAMATI

Pita naJohani vakatora nekushandisa mukana wose kuparidza shoko rakanaka raKristu. Vakambenge vari vabati pamwechete pakuredza hove, vakava vateveri vaJesu, uye pakupedzisira vakava boka revadzidzi vaiva pedyo naJesu. Vakanga vashanda vese zvakare pakugadzirira mutambo wePasika. Parizvino vakanga voenda vese zvakare kutemberi.

Pita naJohani vakava neumwechete pakuparidza shoko raMwari. Vadzidzi vaviri ava vakaumba ushamwari pabasa uye pakuwirirana. Ushamwari hwakadai unotionesa kuti une pundutso kana vanhu vakabatana pakuparidza shoko. Zvinoda chete makristu akazvipira zvakakwana kuna Kristu. Zvinofadza sei kana ukawana munhu waunobatana naye, anokusimudzira munguva dzekunamata? Unoona here kuti kubatana pakunamata zvine simba rekupa ushingi hwekusimudzira umwe pakutenda? Makristu anoda umwe munhu anobatsira pakusimudzira kutenda.

Tinofanira kuumba ukama muna Kristu. Ngatidzidzei kunamata pamwechete, kuparidza pamwechete tiine chinangwa chimwe. Mukudaro tinobatsira vachangobva kutendeuka kuti vakure. Zvinoda boka revanamati rakabatana nekuzvipira kwavo. Tingava nekushingirirra saPita naJohani here pakuenda kutemberi mazuva ese kundonamata? Takagadzirira here mudzimba dzedu nemumabasa kuti tiparidze Kristu? Tinozviita nguva dzose here?

Kutumwa kwevadzidzi kunotaura pachena kuti kana tisina kugadzirira, hatisati takwana kuti tienda kundoparidzira avo vakarasika.

Munamato: Baba vari kudenga, ndinonamata panguva ino yezuva, ndichikutendai neshamwari dzatiinadzo pakushumira shoko. Tinonamatira mweya weumwechete. Tibatsirei Mwari kuti tive vashingi mazuva ese. Tinokumbira kubatsirwa nekuva neshamwari dzakanaka idzo tinosimbisana nadzo munguva dzekunamata. Muzita raJesu ndinonamata. AMENI.

Kuwedzera kuverenga: Mateo 28:18-20| Danyero 6: 10| Ruka 18:10| Mateo 17:1.

Rugwaro

Zuva 2

About this Plan

Kuratidza Simba Rekutenda

Chitsauko chechitatu chaMabasa chinotiratidza kukura zvine simba kwerutendo muna Jesu. Kubva pakuporeswa kwemurume akaremara kusvika pakuparidza kwaPita tinoona vaapositora, vachisundwa neMweya Mutsvene kuva vashandiri vanobuditsa pachena ukuru hwesimba raMwari. Zvinotisimudzira kuti tibatirire kusimba reruponeso nerudzikinuro rwatakapiwa naKristu, sezvazvakaitwawo kuvanhu veJerusarema.

More

Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanyira: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL