Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kugovana Pakati PevatendiChikamu

Kugovana Pakati Pevatendi

ZUVA 3 REMAZUVA 3

Simba Muumwechete

Chokwadi chechikristu chakabuda pachena, kuonekwa kukura kwacho kunyange mukati mekutambudzwa. Mumazuva ekutanga echikristu, vazhinji zhinji vakanga vachitevera kwazvo umambo hwaJesu vachizviratidza nekubhabhatidzwa. Vakanga vachizvibvisa kuzvitendero zvakaitwa nevanhu vachiuya neupenyu hwavo kuumambo hwaJesu. Kereke yakazokura zvichikonzerwa nesimba reumwechete.

Avo vaitenda vakanga vaona Pita naJohani vachisungwa, asi hazvina kuvatadzisa kuva makristu. Dhiyabhori anokwanisa kuisa mutiringo vaparidzi, asi haagone kusunga mashoko. Shoko raMwari rine simba kana richinge ragamuchirwa nemoyo unoda. Avo vakatendeuka, zviuru zvishanu vakanga vasina dambudziko nekubhabhatidzwa, kunyange nevose vaizotendeuka kuva makristu. Vakanga vari vanhu vanopisa pamweya vachida ishe vawo vaine kubatana. Yakanga iri kereke yaidzidza, yaiyanana, yainyengetera, uye ichikura. Vakaramba vakazvipira vari muumwechete.

Ndicho chimwe chikonzero Mwari akamisa kereke yake. Mwari aida kuti tivane simba pakubatana kwedu pamwe nekuzvipira. Ngatirambei takabatana sevakomana nevasikana tiri muna Kristu.

Munamato: Tinokutendai Ishe Jesu Kristu nekumisa kereke yenyu. Tinofara kuti mashoko enyu anorarama, uye kuti anoparidzwa mukati mekereke. Kubatana kwevatendi ngakurambe kuripo mukati mekereke. Ndinonamata kuti murambe muchiwedzera kukereke avo vakatendeuka movapa moyo weumwechete. Muzira raJesu ndinonamata. AMENI.

Kuwedzera kuverenga: VaRoma 1:16| Ruka 8:15| Mateo 28:18ff.

Rugwaro

Zuva 2

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Kugovana Pakati Pevatendi

Chikamu ichi chinobuditsa ushingi hwakauya kubudikidza nekutenda muna Kristu. Pita naJohani vaingovawo varume zvawo asi vakashandurwa nekuda kwekusangana kwawo naJesu vakaparidza vasingatyi chokwadi cheshoko raMwari. Vakamisa rutendo rusingagoni kunyararidzwa, kunyange mukutyisidzirwa nekusungwa. Minyengetero yevatendi, kugovana kwavo, nekuzvipira kwawo mukubatsirana munharaunda zvakasimbisa kufamba kwevhangeri.

More

Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanyira: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL