Kugovana Pakati PevatendiChikamu

Kugovana Pakati Pevatendi

DAY 1 OF 3

Simba Rekugovana Shoko

Nokuti vaJuda vazhinji vakanga vachitarisira kuuya kwamesiya kuzovaponesa kubva muutongi hwechiRoma, havana kukwanisa kunzwisisa Mesiya uyo akatambudzika. Tinoona mukati mekereke Satani achishandisa masimba ake kuedza kuda kuparadza sangano. Sangano richitanga rakanga raratidza runyararo nekubatana, asi zvaingova zvenguva duku matambudziko asati atanga.

Dhiyabhori haazosiya vanhu vaMwari kwenguva refu. Pita akanga aparidza shoko kwavari. Munguva duku mharidzo yake yakakanganiswa, uye kutambudzwa kwekereke kukatanga. Kutambudzwa kwe muchitsauko chechina kunofanira kuti titende kuti Dhiyabhori mupenyu mukati menyika ino. Hatifaniri kushamisika kana kutambudzwa kuchinge kwauya. Nguva zhinji, Jesu akayambira vadzidzi vake pamusoro pazvo, kunyange nanhsi anotiyambira. Variko vanhu vazhinji kunze uko vari kurwisana nekereke nevanhu vaMwari. Tine vamwe vanorwisa vari mukati mekereke zvakare. Tinofanira kuratidza ushingi hwedu pose patinotaura zvekuroverwa nekumuka kwaKristu.

Chikonzero chekutambudzwa kwavo hachifaniri kutishamisa. Pita naJohani vakanga vachingoparidza chete. Vakasarudza kuita izvi nemoyo unoda. Tinofanira kuramba tichiudza vanhu kuti Jesu akafira zvitadzo zvedu. Ngativaudzei kuti akamutswa kuvakafa, tovaudza zvakare kuti kubudikidza naJesu, vamwe vachamutswa mukufa kwavo.

Simba raSatani rakadukupiswa nekuda kwerufu rwapamuchinjiko (Zvakazarurwa 12:11). Kunyange iye kana madhimoni ake hazvigoni kuti zvibate vanhu vasingazvidi kunyange aine simba. Ngatirambei tichiparidza Jesu kunyange tiri pakati pekutambudzika.

Munamato: Mwari musiki vedu, tinokutendai naJesu akafira zvitadzo zvedu. Tinokutendai nekereke iyo yatiri vabati vayo. Apo tinosangana nekutambudzwa mazuva ose, tipei mweya wekushinga, nesimba rekudzidzisa shoko rekuti Jesu mupenyu. Tisimbisei pazuva rega rega kuti tikwanise kuzadzikisa chinangwa chenyu. Muzita raJesu tinonamata. AMENI.

Rugwaro

Zuva 2

About this Plan

Kugovana Pakati Pevatendi

Chikamu ichi chinobuditsa ushingi hwakauya kubudikidza nekutenda muna Kristu. Pita naJohani vaingovawo varume zvawo asi vakashandurwa nekuda kwekusangana kwawo naJesu vakaparidza vasingatyi chokwadi cheshoko raMwari. Vakamisa rutendo rusingagoni kunyararidzwa, kunyange mukutyisidzirwa nekusungwa. Minyengetero yevatendi, kugovana kwavo, nekuzvipira kwawo mukubatsirana munharaunda zvakasimbisa kufamba kwevhangeri.

More

Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanyira: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL