Kugovana Pakati PevatendiChikamu

Kugovana Pakati Pevatendi

DAY 2 OF 3

Usamurasa

VaJuda vakanga vane mutemo wekuti hakuna nyaya yaiva nechipomero cheupenyu kana rufu yaitongwa usiku. Nechikonzero ichi, vakavaisa mutirongo. Pamusoro pazvose, vadzidzi havana chavakanga vakanganisa. Sezvo dhiyabhori asingakwanise kuparadza Jesu, hakuna chimwe chaanoda kunze kwekuparadza isisu. Ari kuedza kunyararidza makristu kwse kwose nenzira dzose. Asi kana tikatevera zvidzidzo kubva muchitsauko ichi nekugara pedyo naMwari, Satani achakundikana zvachose. Chokwadi, Satani haasi kuzomira basa rake. Isu ngatizvipei kuna Mwari nekuda rubatsiro rwake.

Dzimwe nguva tinoshamisika kana Satani achitishungurudza isu tichiita zvakanaka. Ngatizivei kuti hatina watiri kurwadzisa. Jesu akararama achiita zvakanaka bedzi asi akangoroverwa pamuchinjiko. Vamwe vanoshamisika kana vachitukwa nokuda kwekuti vatenda kushoko nekuriparidza. Ngatizivei kuti nyika ine uipi yakatotarisira izvozvo. Kana tichirarama zvakanaka nekuparidza shoko, Satani achatiza patiri. Ari kuedza chose kuda kudzivisa uchapupu hwedu. Ngatizvitarisei izvozvo.

Kana Satani atanga kutishungurudza, ngatirege kuramba Mwari. Satani anozviziva kuti muna Mwari tiri vakundi nekupfuurisa. Anozviziva kuti tikaramba tichiita zvakanaka, zvinhu zvikuru zvichaitika nekuda kwaIshe. Ngatisabvume kudzikisirwa kunyange mukusungwa tichiparidza.

Munamato: Baba vekudenga, tinofara kuti Jesu akakunda nyika. Munyika ino ine kuvhundutsirwa nekutambudzwa, mweya wenyu ngauchengete kereke, vatendi nevose avo vari venyu. Simba revakaipa ngari shaiwe simba nekuparadzwa zvachose. Muzita raJesu tinonamata. AMENI.

Kuwedzera kuverenga: Jakobo 4:7| Mabasa 10:38 2 Vakorinde 11:26.

Rugwaro

Zuva 1Zuva 3

About this Plan

Kugovana Pakati Pevatendi

Chikamu ichi chinobuditsa ushingi hwakauya kubudikidza nekutenda muna Kristu. Pita naJohani vaingovawo varume zvawo asi vakashandurwa nekuda kwekusangana kwawo naJesu vakaparidza vasingatyi chokwadi cheshoko raMwari. Vakamisa rutendo rusingagoni kunyararidzwa, kunyange mukutyisidzirwa nekusungwa. Minyengetero yevatendi, kugovana kwavo, nekuzvipira kwawo mukubatsirana munharaunda zvakasimbisa kufamba kwevhangeri.

More

Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanyira: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL