Nangana Neruponeso RwakoChikamu
Kugadzira Nheyo Yaskasimba
Kurumbidza Mwari kunofanira kunge kuri pakati kati pekuzvipira kwedu kuna Ishe. Ndizvo zviri pakati kati zvakare pakukura kwedu pachikristu, nekuramba takatendeka pana Mwari. Kana tichitarisa, Tingafanana here nemakristu akare pakuva nekudokwaira kudzidza shoko raMwari? Tinozvipa nguva here yekuverenga nekudzidza shoko raMwari? Tinofanira kuzvibvunza zvakare kuti tinobatikana here neukama hwedu nevamwe vatendi. Tinofanira kutarira nhaurirano yedu naMwari, ari iye simba redu,tichishandisa nzira yekunyengetera.
Tinogona kufanana nekereke yakare kana mumwe nemumwe akaziva zvaanofanira kunge ari, kuri iko kurrumbidza, kuva neutsvene, pamwe nekusazvikudza, kufara pamwe nekugovana nevamwe. Zvese izvi zvinoita kuti tigadzire nheyo yakasimba pakufadza Mwari. Semunhu anoda kukura pachikristu, ndinofanira kutondera kuti shoko raMwari chionioni chinobatsira kutarisa upenyu hwangu, kwete kuti ndiongorore upenyu hwevamwe vanhu.
Mwari ngavatibatsire kuti tikwanise kuva makristu anowirirana nekereke yakaiswa naMwari iyo yatingave vateveri vayo. Kugovana nevamwe kwakanga kuripo patsika neupenyu hwemakristu. Ishoko ripi reuMwari ratiri kuratidza kunyika maringe neunhu hwedu pamusoro pezvinhu zvatiinazvo? Kereke yekutanga ndiyo muenzaniso chaiwo unoratidza upenyu hweukristu. Vakanga vasingangonzwire vamwe tsitsi chete, asi vaibva varatidza nekuyanana pamwe chete. Vakanga vachiita zvinhu vari pamwe chete izvo zvakaita kuti vawe vakasimba.
Munamato: Mwari wetsitsi, tinokutendai nemabasa enyu atinoverenga zuva nezuva. Tinotenda nemuenzaniso wakanaka wekereke yekutanga iyo yakanga yakazvipira pakudzidzisa kwevaapositori nekubatirana pamwe chete paminyengetero.Tibatsirei Mwari wedu kutitifanane nawo, tidanane, uye nekuyanana navanhu vose. Muzita raJesu tinonamata. AMENI.
Kuwedzera Kuverenga: 1 VaTesaronika 5: 16-18| 1 Johani 1:3| VaHeberu 10:25.
Rugwaro
Zvinechekuita neHurongwa uhu
Zvinoremera vanhu vazhinji kushanduka uye hazvina kujairika kuvanhu vazhinji. Vazhinji vedu tinozvigadzirira nzvimbo dzakafarukana asi dzisiri dzakanaka tobva taona sokunge zvinhu zvose zviri kuendeka zvakanaka. Nhasi uno mumwe nemuwe anofanira kuona nekutarira chingada kushandurwa paupenyu hwake.ndepapi pawakazvigadzirira ugaro hwako? Tose tinofanira kukumbira Mwari kuti vatibatsire kuti upenyu hwedu ugoshanduka kubudikidza nekuteerera shoko raMwari tichibatsirwa naMweya Mutsvene.
More
Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanyira: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL