Nangana Neruponeso RwakoChikamu

Nangana Neruponeso Rwako

DAY 1 OF 3

Kune simba mukuzvibatsira

Ruka anonyora achirondedzera moshoko nemhinduro dzakapiwa naPita pamusoro pemubvunzo waakapiwa neavo vakanga vanzwa shoko. Vakanga vabaiwa pamoyo, votsvaga nyasha pamwe nekuva nekudokwairira kutsvaga nzira yokupona. Chinokosha chatinganyanya kutarisa pano inyaya yokuva nemoyo wekushanduka. Tichifananidza nemufananidzo wemukushi, moyo yavo yakafanana nevhu rakagamuchira mbewu yevhangeri.

Matiri mune simba kubudikidza neMweya waMwari uyo unotibatsira kuti tishandukire mukunaka. Shoko rekuti tizviponese rinoda kuti tidaire kwariri, uye rakagadzirirwa isu nevana vedu. Asi chinonyanya kukosha kuziva kuti sarudzo iyi yokutenda inoda kubva pane mumwe nemumwe. Mwari havazomanikidza munhu kuti atende kwavari. Isu sevanhu vakapiwa mukana wekuzvifungira, tinotarisirwa kushandisa mukana wekuzvisarudzira kugashira kwedu shoko. Haungavi Mweya Mutsvene ungatiponesa. Isu vanhu tinofanira kuzvisarudzira tega kutenda kushoko kubudikidza nekuteerera kwariri.

Nyika yazvino yashanduka kuva nyika isina tsitsi neupenyu vevanhu. Hatingarambi tichingorarama zvakadaro kuita sezvinonzi zvinhu zvose zvakaringana. Nyika yose hakuna nzvimbo inganzi haina zvipomerwa. Marudzi ose nemararamiro avo kwese kwese zviri kuratidza kuti maitiro evanhu atsauka pakuita zvakanaka. Vanhu vazara nokuvengana, kuva negodo neumwe uipi hwose. Hatifani kunyengedzwa nemaitiro enyika ekuramba shoko reruponeso. Iko zvino tinofanira kukasika kutiza kubva munyika ine rudzi rwatsauka. Mumwe nemumwe ngaazvibvunze kuti akabvamuzvivi nemoyo wese here. Ngatitsvage Mwari kuti tigosvika pakuponeswa.

Munamato: Jehovha Mwari ndinokutendai neshoko iro rine simba rekuponesa. Ndinofara kuti Mweya Mutsvene ari pano kutibatsira kufamba nekutitungamirira munzira yakarurama. Ndinonamatira simba rekubviswa kubva mukati merudzi urwu rwakatsauka kuti ndiverengwewo pakati pevanhu vanokosha vaMwari. Muzita taJesu ndinonamata. AMENI.

Kuwedzera kuverenga: VaEfeso 5:17| VaRoma 1:28-32| 1 Timotio 6:11-13| VaFirpi 2:12-13| Mabasa 4:4.

Rugwaro

Zuva 2

About this Plan

Nangana Neruponeso Rwako

Zvinoremera vanhu vazhinji kushanduka uye hazvina kujairika kuvanhu vazhinji. Vazhinji vedu tinozvigadzirira nzvimbo dzakafarukana asi dzisiri dzakanaka tobva taona sokunge zvinhu zvose zviri kuendeka zvakanaka. Nhasi uno mumwe nemuwe anofanira kuona nekutarira chingada kushandurwa paupenyu hwake.ndepapi pawakazvigadzirira ugaro hwako? Tose tinofanira kukumbira Mwari kuti vatibatsire kuti upenyu hwedu ugoshanduka kubudikidza nekuteerera shoko raMwari tichibatsirwa naMweya Mutsvene.

More

Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanyira: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL