Nangana Neruponeso RwakoChikamu

Nangana Neruponeso Rwako

DAY 2 OF 3

Wedzerwa Mukati Meboka

Vanhu vanogamuchira vatumwa vaMwari vanokwanisa zvakare kugamuchira Jesu. Pita paakaparidza, avo vose vakazvipira kugamuchira shoko nemufaro, vakazviratidza kunyasha dzaMwari kubudikidza nekubhabhatidzwa kwekuregererwa zvitadzo zvavo. Vanhu vazhinji vanodarika zviuru zvitatu vakazvipa kuumambo hwaJesu Kristu kuri kutenda nyasha dzavakaitirwa naMwari.

Kubudikidza nekubhabhatidzwa, vanhu vakawedzerwa kuboka revanhu vanotenda. Kuteerera shoko kwakadai kwakaita kuti uyo anekutenda kuite kuti Mwari Baba, Mwanakona, naMweya Mutsvene vagare muupenyu hwemunhu kuti agotungamirwa muchiedza. Kana shoko raMwari richinge raparidzwa, tinofanira kudaira kwariri nekubvuma kuteerera umambo hwaJesu tovedzerwa mukati mesangano, riri iro boka revatendi. Kana munhu achinge atenda kushoko nenzira yakanaka, nezvikonzero zvakanaka, chero kwaari munyika, anokwanisa kuwedzerwa mukati mesangano.

Zvinokosha kune avo vachangobhabhatidzwa kuti vazive kuti havasi kungoteerera murawu chete, asi vari kupa upenyu hwawo kuna Jesu kuti vagomutevera. Zvinokosha zvakare kuziva kuti kana tatenda, hatisi kujoina sangano, asi Ishe vari kutiwedzera kwariri. Kereke iboka revanhu vakaponeswa. Uyo anotiponesa kubudikidza nenyasha dzake ndiye anoita kuti tive mitezo yekereke.

Munamato: Ndinouya pamberi pechigaro chenyu chenyasha nesimba Mwari wangu. Ndinokurumbidzai nokuda kwesimba reruponeso iro rinotipa chisimbiso cheruponeso rwedu. Mukushingirira utsvene, ndibatsirei Mwari kuti ndiwe umwe weboka renyu revanotenda ndiri munhu atendeuka pachokwadi. Ndinokutendai nekereke, muzita raJesu. AMENI.

Kuwedzera Kuverenga: VaGaratiya 3:26-27| 2 Timotio 2:10| VaGaratiya 2:20| VaRoma 6:3.

Rugwaro

Zuva 1Zuva 3

About this Plan

Nangana Neruponeso Rwako

Zvinoremera vanhu vazhinji kushanduka uye hazvina kujairika kuvanhu vazhinji. Vazhinji vedu tinozvigadzirira nzvimbo dzakafarukana asi dzisiri dzakanaka tobva taona sokunge zvinhu zvose zviri kuendeka zvakanaka. Nhasi uno mumwe nemuwe anofanira kuona nekutarira chingada kushandurwa paupenyu hwake.ndepapi pawakazvigadzirira ugaro hwako? Tose tinofanira kukumbira Mwari kuti vatibatsire kuti upenyu hwedu ugoshanduka kubudikidza nekuteerera shoko raMwari tichibatsirwa naMweya Mutsvene.

More

Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanyira: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL