Nyaya yeIsitaChikamu
Jesu akanga aine chikumbiro chake chekupedzisira.Aiziva chakanga chakatarisana naye muzuva ramangwana acho,asi munamato wake wekupedzisira wakanga usiri wake iye,asi wako.Wedu tose.Jesu akanamatira vadzidzi vake.Munamato waJesu ihwindo rekuti tipinde mukuda kwaMwari kwatiri.Iva mhinduro yemunamato waJesu vhiki rino.Tarisisa munamato wake mutsetse- nemutsetse kuti uone kuti ungazvibudikidza sei.Muvhiki rino,sezvo Chechi yepasi rose iri kubatana kuti ipembedze kumutsurudzwa kwake kubva mukufa,ngatitsvage kuti tingave vamwe sei naiye Mwari uye tive vamwe pachedu tose.Ita kuti munamato waJesu uvewo munamato wako,kuti pasi rose rione kubwinya kwake vagouyawo kuzotsvaga Mwari nokuda kwekubatana kwedu uye rudo rwaMwari.
Zvinechekuita neHurongwa uhu
Ungashandisa sei mazuva evhiki rako rekupedzisira kurarama uchinyatsoziva kuti ndiro rekupedzisira?Vhiki rekupedzisira raJesu ari panyama rakange rakazara nezviitiko zvisingakanganwiki,uporofita hwakazadziswa,kunamata kwakadzama,kukurukurirana kwakadzama,zviitiko zvaireva zvakawanda huye zviitiko zvakashandura nyika.Yakagadzirirwa kutanga Muvhuro pamberi peIsita,zuva rega-rega rehupenyu hwako.Chirongwa cheKereke yeBhaibheri chichakutungamira panyaya yevhiki rehutsvene.
More
Tinoda kutenda Life.Church nekutiwunzira hurongwa uhwu.Kanamuchida kudzidza zvakawanda pamusoro peLife.Church, tapota shanyai: www.Life.Church