Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 5:10-11
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 5:10-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mudiwa wangu akanaka uye mutsvuku, anokunda vanokwana zviuru gumi. Musoro wake igoridhe chairo; bvudzi rake rinoyevedza uye rakasviba segunguo.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 5:10-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mudiwa wangu akachena nokutsvuka, Anozikanwa pakati pezana ramazana. Musoro wake wakaita sendarama yakaisvonaka; Vhudzi rake rakapetana, idema segunguo.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 5:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mudiwa wangu akapenyerera, akatsvukirira, anonyatsoonekwa mukati mezviuru gumi zvavanhu. Musoro wake indarama chaiyo yakanakisisa. Vhudzi rake, rinoyerera rakasviba kuti ndo-o segunguwo.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 5:10-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Muɗiwa waŋgu wakacena nokutȿuka, Unozikanwa pakati pezana ramazana. Musoro wake wakaita sendarama yakaiȿo‐naka; Vudzi rake rakapetana, iɗema seguŋguʋu.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 5:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Mudiwa wangu akapenyerera, akatsvukirira, anonyatsoonekwa mukati mezviuru gumi zvavanhu. Musoro wake indarama chaiyo yakanakisisa. Vhudzi rake, rinoyerera rakasviba kuti ndo-o segunguwo.