Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Rwiyo Rukuru 5

5
Kupindura kwecikomba.
1Ndapinda mumunda maŋgu, hanɀadzi yaŋgu, mŋeŋga waŋgu;
Ndaʋuŋganidza mura yaŋgu neɀinonhuwira ɀaŋgu;
Ndadya muȿi woʋuci bgaŋgu noʋuci bgaŋgu;
Ndanwa waini yaŋgu nomukaka waŋgu.
Idyai, shamŋari dzaŋgu;
Inwai, ɀirokwaɀo, inwai ɀikuru,
ʋaɗiwa ʋaŋgu.
Ʋaparadzana ciŋguʋa. Mŋeŋga unotȿaka cikomba.
2Ndakaŋga ndiʋete, asi mŋoyo waŋgu wakaŋga wakaȿinura;
Inzwi romuɗiwa waŋgu, unogogodza, aciti:
Ndizarurire, hanɀadzi yaŋgu, muɗiwa waŋgu, njiʋa yaŋgu, wakakwana waŋgu;
Nokuti musoro waŋgu uzere neɗoʋa,
Vudzi raŋgu namaɗonhedza oʋusiku.
3Ndabvisa ŋguʋo yaŋgu; ndiŋgaifuka sei?
Ndashambidza tsoka dzaŋgu; ndiŋgadziȿiɓisa sei?
4Muɗiwa waŋgu wakapinza ruʋoko rwake napaʋuri romukoʋa,
Mŋoyo waŋgu ukamushuʋa.
5Ndakasimuka, ndiciti ndizarurire muɗiwa waŋgu;
Maʋoko aŋgu akaɗonha mura,
Neminwe yaŋgu mura inoyerera,
Paɀiɓato ɀecizarira.
6Ndakazarurira muɗiwa waŋgu;
Asi muɗiwa waŋgu wakaŋga atendeʋuka, aenda.
Mŋeya waŋgu wakaŋga watorwa pakutaura kwake;
Ndakamutȿaka, asi handina‐kumuwana;
Ndikamuɗana, asi haana‐kundipindura.
7Ʋarindi, ʋanofamba‐famba neguta,
ʋakandiwana;
Ʋakandiroʋa, ʋakandikuʋadza;
Ʋatariri ʋamaȿiŋgo ʋakanditorera jasi raŋgu.
8Ndinokupikirai, imi ʋakunda ʋeJerusarema,
Kana mukawana muɗiwa waŋgu,
Mumuʋudze kuti ndinorwara noruɗo.
9Ko muɗiwa wako unopfuʋura ʋamŋe ʋaɗiwa neiko,
Nhai, iwe, unopfuʋura ʋakadzi ʋose nokunaka?
Ko muɗiwa wako unopfuʋura ʋamŋe ʋaɗiwa neiko,
Ɀaunotipikira saiɀoɀo?
10Muɗiwa waŋgu wakacena nokutȿuka,
Unozikanwa pakati pezana ramazana.
11Musoro wake wakaita sendarama yakaiȿo‐naka;
Vudzi rake rakapetana, iɗema seguŋguʋu.
12Meso ake akaita seenjiʋa pahoʋa dzemvura,
Dzakashambga nomukaka, seɀibge ɀakaroŋgedzwa ɀakanaka.
13Matama ake akaita sendima yemiti inonhuwira,
Samatutu emiriʋo inonaka;
Miromo yake yakaita samaruʋa anoɗonha mura inoyerera.
14Maʋoko ake akaita samapaŋgo endarama, akaiswa beriri;
Muʋiri wake wakaita senyaŋga dzenzou, dzakafukidzwa nesafiro.
15Makumbo ake akaita sembiru dzamabge macena, dzakaiswa paɀigadziko ɀendarama yakaiȿo‐naka;
Kuʋonekwa kwake kwose kwakafanana neRebanoni, kwakaiȿo‐naka semisidari.
16Muromo wake wakanaka kwaɀo;
Ɀirokwaɀo, wakaiȿo‐naka kwaɀo‐kwaɀo.
Ndiɀo ɀakaita muɗiwa waŋgu,
ndiɀo ɀakaita shamŋari yaŋgu,
Imi ʋakunda ʋeJerusarema.

Zvasarudzwa nguva ino

Rwiyo Rukuru 5: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda