Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Rute 4:9-17

Rute 4:9-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo Bhoazi akazivisa vakuru navanhu vose akati, “Nhasi muri zvapupu zvokuti ndatenga kubva kuna Naomi zvake zvose nazvose zvaiva zvaErimereki, zvaKirioni nezvaMaroni. Ndatorawo Rute muMoabhu, chirikadzi yaMaroni, kuti ave mukadzi wangu kuti ndimutse zita romushakabvu pamwe chete nenhaka yake, kuitira kuti zita rake rirege kurova mumhuri yake kana mumabhuku eguta. Nhasi ndimi zvapupu!” Ipapo vakuru navose vaiva pasuo vakati, “Tiri zvapupu isu. Jehovha ngaaite kuti mukadzi ari kuuya mumusha mako ave saRakeri naRea, avo vakavaka pamwe chete imba yaIsraeri. Iwe dai ukasimudzirwa muEfurata uye ukava nomukurumbira muBheterehema. Kubudikidza navana vaunopiwa naJehovha nomukadzi wechidiki uyu, mhuri yako ngaive seyaPerezi, uyo akaberekerwa Judha naTamari.” Naizvozvo Bhoazi akatora Rute akava mukadzi wake. Zvino akapinda kwaari Jehovha akamuita kuti abate pamuviri, iye akabereka mwanakomana. Vakadzi vakati kuna Naomi, “Jehovha ngaarumbidzwe, uyo asina kukusiya usina hama yapedyo, mudzikinuri. Ngaave nomukurumbira pakati peIsraeri yose! Achavandudza upenyu hwako nokukuchengeta pamazuva okuchembera kwako. Nokuti muroora wako, uyo anokuda uye anokunda vanakomana vanomwe, ndiye amubereka.” Ipapo Naomi akatora mwana, akamuisa pamakumbo ake akamurera. Vakadzi vaigarako vakati, “Naomi ava nomwana womukomana.” Zvino vakamutumidza kuti Obhedhi. Ndiye aiva baba vaJese, baba vaDhavhidhi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Rute 4

Rute 4:9-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Bhoazi ndokuti kuna vakuru vakuru vaya navanhu vose, “Nhasi uno ndimi mava zvapupu zvangu zvokutenga kwandaita munda kuna Naomi nezvose zvaiva zvaErimereki pamwechete nezvose zvaiva zvaKirioni nezvaMahironi. Kunyangewo chirikadzi iya yakasiyiwa naMahironi, Rute muMoabhu, ndini ndatovawo wokugara nhaka nokudaro zita romufi richaramba richidaidzwa panhaka yaakasiya kuti zita rake rirege kurova mumhuri yake kana muguta rake. Ndimi zvapupu zvacho iye nhasi uno.” Vanhu vose navakuru vakuru vaiva padare kusuo reguta vakati, “Hongu, tiri zvapupu zvacho. Dai Tenzi akaita kuti mukadzi iyeyu ari kuuya mumba mako, aite saRakeri naRea, vose vari vaviri vakabereka mhuri yaIsiraeri. Dai ukava zvako mupfumi akabudirira muEfurati, zita rako rive nomukurumbira muBheterehemu. Dai vana vomukadzi uyu achiri muduku kudai vamuchapiwa naTenzi vangoita waro sezvakangoita mhuri yaPerezi akaberekwa naTamari mumba maJudha.” Bhoazi akatora Rute akagara nhaka yacho. Akapinda mumba naye, Tenzi akamubatsira akava napamuviri akabereka mwana mukomana. Vakadzi vakati kuna Naomi, “Tenzi ngaarumbidzwe, iye asina nhasi uno kukunyima hama chaiyo, mugari wenhaka. Zita rake ngarive nomukurumbira muIsiraeri! Ndiye achamutsiridza upenyu hwenyu, achakuchengetaiwo kana makwegura nokuti muroora wenyu anokudai, ari nani kwamuri pane vanakomana vanomwe, akuberekerai mwana mukomana.” Naomi akagumbatira mwana uyu pachipfuva chake ndokubva ava mureri wake. Vakadzi vavakanga vakavakidzana navo vakamutumidza zita. Vaiti, “Naomi aberekerwa mwana mukomana.” Vakamutumidza zita rokuti Obhedhi. Ndiye akazova baba waJese, Jese akazovawo baba waDhavhidhi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Rute 4

Rute 4:9-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Boazi akati kuʋakuru nokuʋanhu ʋose: Imi muri ɀapupu nhasi, kuti ndateŋga kunaNaome ɀose ɀaiʋa ɀaErimereki, neɀose ɀaiʋa ɀaKirioni neɀaMaroni. Ndateŋga ʋo Rute muMoabi, mukadzi waMaroni, kuti aʋe mukadzi waŋgu, kuti ndimutse zita rowakafa panhaka yake, zita rowakafa rirege kuroʋa pakati pehama dzake napasuʋo renɀimbo yake; imi muri ɀapupu nhasi. Ɀino ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋari pasuʋo naʋakuru ʋakati: Tiri ɀapupu heɗu. Jehova ŋgaaite mukadzi uyu waʋuya kumba kwako saRakeri ʋuye saRea, iʋo ʋaʋiri ʋakaʋaka imba yaIsraeri; newe ʋo uʋe nesimba paEfrata, ukurumbire paBeti‐rehemi; imba yako iʋe seimba yaPerezi, wakaɓerekerwa Juda naTamari, naʋana ʋaucapiwa naJehova kumukadzi uyu uciri muɗuku. Ipapo Boazi akawana Rute, akaʋa mukadzi wake, akapinda kwaari, Jehova akamutoresa mimba, akapona mŋanakomana. Ɀino ʋakadzi ʋakati kunaNaome: Jehova ŋgaakudzwe, usina‐kukushaisa hama yomumba nhasi, zita rake rikurumbire pakati paIsraeri. Ucaʋa kwauri muraramisi woʋupenyu, nomuriritiri woʋucembere bgako; nokuti mukadzi womŋana wako uyu, unokuɗa, unopfuʋura ʋanakomana ʋanomŋe kwauri, ndiye wakamuɓereka. Ɀino Naome akatora mŋana, akamufuŋgatira pacifuʋa cake, akaʋa mureri wake. Ʋakadzi ʋakaŋga ʋagere naye ʋakamutumidza zita, ʋaciti: Naome wakaponerwa mŋanakomana; ʋakamutumidza zita rinonzi Obedi; ndiye wakazoʋa ɓaɓa ʋaJese, ɓaɓa ʋaDavidi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Rute 4

Rute 4:9-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)