Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Rute 4:9-17

Rute 4:9-17 SCLB

Bhoazi ndokuti kuna vakuru vakuru vaya navanhu vose, “Nhasi uno ndimi mava zvapupu zvangu zvokutenga kwandaita munda kuna Naomi nezvose zvaiva zvaErimereki pamwechete nezvose zvaiva zvaKirioni nezvaMahironi. Kunyangewo chirikadzi iya yakasiyiwa naMahironi, Rute muMoabhu, ndini ndatovawo wokugara nhaka nokudaro zita romufi richaramba richidaidzwa panhaka yaakasiya kuti zita rake rirege kurova mumhuri yake kana muguta rake. Ndimi zvapupu zvacho iye nhasi uno.” Vanhu vose navakuru vakuru vaiva padare kusuo reguta vakati, “Hongu, tiri zvapupu zvacho. Dai Tenzi akaita kuti mukadzi iyeyu ari kuuya mumba mako, aite saRakeri naRea, vose vari vaviri vakabereka mhuri yaIsiraeri. Dai ukava zvako mupfumi akabudirira muEfurati, zita rako rive nomukurumbira muBheterehemu. Dai vana vomukadzi uyu achiri muduku kudai vamuchapiwa naTenzi vangoita waro sezvakangoita mhuri yaPerezi akaberekwa naTamari mumba maJudha.” Bhoazi akatora Rute akagara nhaka yacho. Akapinda mumba naye, Tenzi akamubatsira akava napamuviri akabereka mwana mukomana. Vakadzi vakati kuna Naomi, “Tenzi ngaarumbidzwe, iye asina nhasi uno kukunyima hama chaiyo, mugari wenhaka. Zita rake ngarive nomukurumbira muIsiraeri! Ndiye achamutsiridza upenyu hwenyu, achakuchengetaiwo kana makwegura nokuti muroora wenyu anokudai, ari nani kwamuri pane vanakomana vanomwe, akuberekerai mwana mukomana.” Naomi akagumbatira mwana uyu pachipfuva chake ndokubva ava mureri wake. Vakadzi vavakanga vakavakidzana navo vakamutumidza zita. Vaiti, “Naomi aberekerwa mwana mukomana.” Vakamutumidza zita rokuti Obhedhi. Ndiye akazova baba waJese, Jese akazovawo baba waDhavhidhi.

Verenga chikamu Rute 4