Zvino Bhoazi akati kuvakuru nokuvanhu vose, “Imi muri zvapupu nhasi, kuti ndatenga kuna Naomi zvose zvaiva zvaErimereki, nezvose zvaiva zvaKirioni nezvaMaroni. Ndatengawo Rute muMoabhu, mukadzi waMaroni, kuti ave mukadzi wangu, kuti ndimutse zita rowakafa panhaka yake, zita rowakafa rirege kurova pakati pehama dzake napasuo renzvimbo yake; imi muri zvapupu nhasi.”
Zvino vanhu vose vakanga vari pasuo navakuru vakati, “Tiri zvapupu hedu. Jehovha ngaaite mukadzi uyu wauya kumba kwako saRakeri uye saRea, ivo vaviri vakavaka imba yaIsiraeri; newewo uve nesimba paEfurata, ukurumbire paBheterehemu; imba yako ive seimba yaPerezi, wakaberekerwa Judha naTamari, navana vauchapiwa naJehovha kumukadzi uyu uchiri muduku.”
Ipapo Bhoazi akawana Rute, akava mukadzi wake, akapinda kwaari, Jehovha akamutoresa mimba, akapona mwanakomana. Zvino vakadzi vakati kuna Naomi, “Jehovha ngaakudzwe, usina kukushaisa hama yomumba nhasi, zita rake rikurumbire pakati paIsiraeri. Uchava kwauri muraramisi woupenyu, nomuriritiri wouchembere hwako; nokuti mukadzi womwana wako uyu, unokuda, unopfuura vanakomana vanomwe kwauri, ndiye wakamubereka.” Zvino Naomi akatora mwana, akamufungatira pachipfuva chake, akava mureri wake.
Vakadzi vakanga vagere naye vakamutumidza zita, vachiti, “Naomi wakaponerwa mwanakomana;” vakamutumidza zita rinonzi Obhedhi; ndiye wakazova baba vaJese, baba vaDhavhidhi.