Rute 4
4
Bhoazi anowana Rute
1Zvino Bhoazi wakakwira kusuo, akagara pasi; hama yomumba yakanga yarehwa naBhoazi, ndokupfuura napo; akati kwaari, “Nhaiwe, tsaukira kuno, ugare pasi.” Iye akatsauka, akagara pasi. 2Akatora varume gumi kuvakuru veguta, akati, “Garai pasi pano.” Ivo vakagara pasi. 3Zvino akati kuhama yomumba, “Naomi, uya wakadzoka achibva kunyika yaMoabhu, unoda kutengesa mugove wenyika waiva womunun'una wedu Erimereki; 4ndakati ndichakuudza izvozvo, ndichiti, ‘Chiutenga pamberi pavanhu vagere pano, napamberi pavakuru vavanhu vangu. Kana uchida kuudzikinura, undiudze, chiudzikinura hako, asi kana usingadi kuudzikinura, ndiudze, ndizive, nokuti hakuna ungaudzikinura asi iwe; unokutevera ndini.’ ” Akati, “Ndichaudzikinura ini.”
5Zvino Bhoazi akati, “Zuva iro raunotenga munda uyo kuna Naomi, unofanira kuutengawo kuna Rute muMoabhu, mukadzi wowakafa, kuti umutse zita rowakafa panhaka yake.”
6Hama iyo yomumba ikati, “Handigoni kuzvidzikinurira uyo, kuti ndirege kutadzira nhaka yangu, chitora hako iwe simba rangu rokudzikinura, nokuti ini handigoni kuudzikinura.”
7Zvino iyi ndiyo tsika yakanga iripo kare pakati pavaIsiraeri kana vachidzikinura nokutsinhanha, kuti zvose zvisimbiswe. Munhu waibvisa shangu yake, ndokuipa hama yake, ndiwo waiva mutoo wokupupura nawo pavaIsiraeri.
8Zvino hama iyo yomumba ikati kuna Bhoazi, “Chizvitengera hako uyo.” Akabvisa shangu yake. 9Zvino Bhoazi akati kuvakuru nokuvanhu vose, “Imi muri zvapupu nhasi, kuti ndatenga kuna Naomi zvose zvaiva zvaErimereki, nezvose zvaiva zvaKirioni nezvaMaroni. 10Ndatengawo Rute muMoabhu, mukadzi waMaroni, kuti ave mukadzi wangu, kuti ndimutse zita rowakafa panhaka yake, zita rowakafa rirege kurova pakati pehama dzake napasuo renzvimbo yake; imi muri zvapupu nhasi.”
11Zvino vanhu vose vakanga vari pasuo navakuru vakati, “Tiri zvapupu hedu. Jehovha ngaaite mukadzi uyu wauya kumba kwako saRakeri uye saRea, ivo vaviri vakavaka imba yaIsiraeri; newewo uve nesimba paEfurata, ukurumbire paBheterehemu; 12imba yako ive seimba yaPerezi, wakaberekerwa Judha naTamari, navana vauchapiwa naJehovha kumukadzi uyu uchiri muduku.”
13Ipapo Bhoazi akawana Rute, akava mukadzi wake, akapinda kwaari, Jehovha akamutoresa mimba, akapona mwanakomana. 14Zvino vakadzi vakati kuna Naomi, “Jehovha ngaakudzwe, usina kukushaisa hama yomumba nhasi, zita rake rikurumbire pakati paIsiraeri. 15Uchava kwauri muraramisi woupenyu, nomuriritiri wouchembere hwako; nokuti mukadzi womwana wako uyu, unokuda, unopfuura vanakomana vanomwe kwauri, ndiye wakamubereka.” 16Zvino Naomi akatora mwana, akamufungatira pachipfuva chake, akava mureri wake.
17Vakadzi vakanga vagere naye vakamutumidza zita, vachiti, “Naomi wakaponerwa mwanakomana;” vakamutumidza zita rinonzi Obhedhi; ndiye wakazova baba vaJese, baba vaDhavhidhi.
18Zvino ndiwo marudzi aPerezi: Perezi wakabereka Hezironi; 19Hezironi akabereka Rami, Rami akabereka Aminadhabhi; 20Aminadhabhi akabereka Nashoni, Nashoni akabereka Sarimoni; 21Sarimoni akabereka Bhoazi, Bhoazi akabereka Obhedhi; 22Obhedhi akabereka Jese, Jese akabereka Dhavhidhi.
Zvasarudzwa nguva ino
Rute 4: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002