Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaRoma 13:1-14

VaRoma 13:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Munhu wose anofanira kuzviisa pasi pavatungamiri venyika, nokuti hakuna simba risina kubva kuna Mwari. Vane simba rokutonga vakaiswapo naMwari. Saka naizvozvo, anoramba kuteerera vari kutonga, ari kumukira zvakaiswapo naMwari, uye vanoita izvi vanozvitsvagira kutongwa. Nokuti vatongi havatyisi vaya vanoita zvakanaka, asi vanotyisa vaya vanoita zvakaipa. Unoda kusunungurwa here kuti usatya ane simba rokutonga? Ipapo ita zvakanaka uye achakurumbidza. Nokuti iye muranda waMwari anofanira kuti akuitire zvakanaka. Asi kana ukaita zvakaipa, itya, nokuti iye haabati munondo pasina. Nokuti iye ndiye muranda waMwari, mutumwa wokutsamwa, anoranga vaiti vezvakaipa. Naizvozvo, zvinokosha kuzviisa pasi pavabati, kwete nokuti tinotya kurangwa chete, asi nokuda kwehanawo. Ndokusaka muchiripawo mitero, nokuti vabati varanda vaMwari, vanopa nguva yavo yose pakutonga. Ripirai vose vamunofanira kuripira: Kana uri mutero, ripai mutero; kana iri miripo, ngairipwe, kana kuri kutya, kuna vanofanira kutyiwa, kana rwuri rukudzo, kuna vanofanira kukudzwa. Musava nechikwereti kumunhu, kunze kwechikwereti chorudo mumwe kuno mumwe, nokuti anoda mumwe azadzisa murayiro. Nokuti mirayiro inoti, “Usaita upombwe,” “Usauraya,” “Usaba”, “Usachiva,” uye kana mumwe murayiro upi noupi zvawo ungavako, zvakaunganidzwa pamutemo unoti, “Ida muvakidzani wako sezvaunozvida iwe.” Rudo haruitiri muvakidzani zvakaipa. Naizvozvo rudo runozadzisa murayiro. Uye itai izvi, muchinzwisisa nguva ino. Nguva yasvika zvino yokuti mupepuke kubva kuhope, nokuti ruponeso rwedu rwava pedyo zvino kupfuura zuva ratakatanga kutenda. Usiku hwava kutopfuura; kwava kutoedza. Saka ngatirasei mabasa edu erima uye tipfeke nhumbi dzokurwa dzechiedza. Ngatiraramei zvakafanira mararamiro apamasikati, tisingaiti kutamba kwakaipa uye nokudhakwa, kana upombwe, kana utere, kana gakava kana godo. Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, uye musatsvaka kufadza nyama pakuchiva kwayo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaRoma 13

VaRoma 13:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Munhu mumwe nomumwe ngaazviise pasi pamasimba makuru; nokuti hakuna simba risina kubva kuna Mwari; iwo aripo akaiswapo naMwari. Saka anoramba simba, anodzivisa zvakaiswapo naMwari; zvino ivo vanodzivisa, vanozvitorera mhosva. Nokuti vabati havatyisi anobata basa rakanaka, asi rakaipa. Unoda kusatya simba here? Ita zvakanaka, ugorumbidzwa naro; nokuti ndiye mushumiri waMwari kwauri, kuti akuitire zvakanaka. Asi kana uchiita zvakaipa, chitya; nokuti iye haabati munondo pasina; nokuti ndiye mushumiri waMwari, mutsivi wokutsamwa kunoanoita zvakaipa. Naizvozvo munofanira kuzviisa pasi pavo, musingadaro nokuda kwokutsamwa bedzi, asi nokuda kwehanawo. Nokuti nemhaka iyo munoripawo mutero; nokuti ndiwo varanda vaMwari, vanoramba vachingobatira chinhu icho. Ripirai vose zvavanofanira kuripirwa, Mutero kuna vanofanira kutererwa; kutya kuna vanofanira kutyiwa; kukudza kuna vanofanira kukudzwa. Musava nechikwerete nomunhu, asi chokudana; nokuti anoda mumwe, azadzisa murayiro. Nokuti izvo zvokuti, “Usaita upombwe, usauraya, usaba, usachiva; kana murayiro upi noupi,” zvakaunganidzwa pashoko rokuti, “Ude wokwako sezvaunozvida iwe.” Rudo haruitiri wokwako zvakaipa; naizvozvo rudo runozadzisa murayiro. Zvikuru ndinoreva izvozvi, zvatinoziva nguva, kuti zvino yatova nguva yokumuka kwenyu pahope; nokuti zvino kuponeswa kwedu kwava pedyo kupfuura zuva ratakatanga kutenda naro. Usiku hwapfuura, kwoedza; naizvozvo ngatirashe mabasa erima, ngatishonge nhumbi dzokurwa dzechiedza. Ngatifambe nenzira yakafanira sapamasikati; tisingafambi nokutamba kwakaipa, nokubatwa, kana noupombwe, noutere, kana negakava, negodo. Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, musatsvaka kufadza nyama pakuchiva kwayo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaRoma 13

VaRoma 13:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Munhu wose ngaave pasi pehurumende inenge ichitonga nokuti hapana simba rokutonga risingabvi kuna Mwari. Vari kutonga vakatoiswapo naMwari. Saizvozvo munhu anoramba kuteerera vatongi, anoramba kuteerera vakagadzwa naMwari. Vanorambawo kuteerera vacharangwa. Vatongi havasi chinhu chinotyisa kuna vanoita zvakanaka asi kuna vanoita zvakaipa. Unoda here kurega kutya vane simba rokutonga? Kana zvakadaro ramba uchiita zvakanaka. Iye achati kwauri zvakanaka, nokuti iye muranda waMwari kuti zvikufambire zvakanaka. Asi ukaita zvakaipa unofanira kutya nokuti haabatire bakatwa pasina. Iye muranda waMwari wokurangira Mwari munhu anoita zvakaipa. Naizvozvo kuzviisa pasi kuya kunofanira kuitwa kwete kunzvenga chete kuranga kwaMwari asi nokuda kokuterera hana yako. Munoripa mutero nechikonzero chimwechetecho nokuti vatongi vashandi vaMwari vanoita basa irori. Varipei vose zvavanokodzera kuripwa. Kana uri mutero wapamunhu nomunhu ripai mutero iwoyo kana uri mutero wapazvinhu ripaiwo zvinofanira kuripwa muchikudza vanofanira kukudzwa nokuremekedza vanofanira kuremekedzwa. Usave nechikwereti nomunhu kusiya chokudanana nokuti munhu anoda mumwe wake azadzisa mutemo. Mitemo inoti usaite upombwe, usauraye, usabe, usachive nemimwe mitemo yose inobatanidzwa yose mushoko iri rinoti, “Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita.” Munhu worudo haatadziri mumwe wake. Naizvozvo rudo ndirwo runozadzisa mutemo. Uyezve apa munoziva kuti inguva yakadii; kuti nguva yacho yakwana zvino yokuti muchimuka muhope. Ndinodaro nokuti ruponeso rwava pedyo nesu zvino kupinda patakatanga kudavira. Usiku hwaendedzana, kwava kuda kuedza. Saka ngatichikandai pasi mabasa erima tipfeke demautare rechiedza rokuzvidzivirira naro muhondo. Ngatizvibatei sezvatinoita masikati, tisingatambi zvakaipa, nokuraradza noupombwe nokuzviregerera nokukakavadzana nokuitirana shanje. Regai Kristu ave ndiye demautare renyu rokuzvidziirira naro muhondo, murege kuva nehanya nezvenyama kuti mugutse havi dzayo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaRoma 13

VaRoma 13:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Munhu mumŋe nomumŋe ŋgaaɀiise pasi pamasimba makuru; nokuti hakunesimba risina‐kubʋa kunaMŋari; iwo ari’po akaiswa’po naMŋari. Saka unoramba simba, unodziʋisa ɀakaiswa’po naMŋari; ɀino iʋo ʋanodziʋisa, ʋanoɀitorera mhoȿa. Nokuti ʋaɓati haʋatyisi unoɓate‐ɓasa rakanaka, asi rakaipa. Unoɗa kusatya simba here? Ita ɀakanaka, ugorumbidzwa naro; nokuti ndiye mushumiri waMŋari kwauri, kuti akuitire ɀakanaka. Asi kana uciita ɀakaipa, citya; nokuti iye haaɓati munondo pasina; nokuti ndiye mushumiri waMŋari, mutsiʋi wokutsamŋa kunounoita ɀakaipa. Naiɀoɀo munofanira kuɀiisa pasi paʋo, musiŋgaɗaro nokuɗa kwokutsamŋa ɓedzi, asi nokuɗa kwehana ʋo. Nokuti nemhaka iyo munoripa ʋo mutero; nokuti ndiʋo ʋaranda ʋaMŋari, ʋanoramba ʋaciŋgoɓatira cinhu ico. Ripirai ʋose ɀaʋanofanira kuripirwa: Mutero kunaʋanofanira kutererwa; muripo kunaʋanofanira kuripirwa; kutya kunaʋanofanira kutyiwa; kukudza kunaʋanofanira kukudzwa. Musaʋa necikwerete nomunhu, asi cokuɗana; nokuti unoɗa mumŋe, wazadzisa murairo. Nokuti iɀo ɀokuti: Usaita ʋupombge, usaʋuraya, usaɓa, usaciʋa; kana murairo upi noupi, ɀakaʋuŋganidzwa pashoko rokuti: Uɗe wokwako seɀaunoɀiɗa iwe. Ruɗo haruitiri wokwako ɀakaipa; naiɀoɀo ruɗo runozadzisa murairo. Ɀikuru ndinoreʋa iɀoɀi, ɀatinoziʋa ŋguʋa, kuti ɀino yatoʋa ŋguʋa yokumuka kwenyu pahope; nokuti ɀino kuponeswa kweɗu kwaʋa pedyo kupfuʋura zuʋa ratakataŋga kutenda naro. Ʋusiku bgapfuʋura, kwoedza; naiɀoɀo ŋgatirashe maɓasa erima, ŋgatishoŋge nhumbi dzokurwa dzeciedza. Ŋgatifambe nenzira yakafanira sapamasikati; tisiŋgafambi nokutamba kwakaipa, nokuɓatwa, kana noʋupombge, noʋutere, kana negakaʋa, negoɗo. Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, musatȿaka kufadza nyama pakuciʋa kwayo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaRoma 13

VaRoma 13:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)