Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 13:1-14

Varoma 13:1-14 SNA2002

Munhu mumwe nomumwe ngaazviise pasi pamasimba makuru; nokuti hakuna simba risina kubva kuna Mwari; iwo aripo akaiswapo naMwari. Saka anoramba simba, anodzivisa zvakaiswapo naMwari; zvino ivo vanodzivisa, vanozvitorera mhosva. Nokuti vabati havatyisi anobata basa rakanaka, asi rakaipa. Unoda kusatya simba here? Ita zvakanaka, ugorumbidzwa naro; nokuti ndiye mushumiri waMwari kwauri, kuti akuitire zvakanaka. Asi kana uchiita zvakaipa, chitya; nokuti iye haabati munondo pasina; nokuti ndiye mushumiri waMwari, mutsivi wokutsamwa kunoanoita zvakaipa. Naizvozvo munofanira kuzviisa pasi pavo, musingadaro nokuda kwokutsamwa bedzi, asi nokuda kwehanawo. Nokuti nemhaka iyo munoripawo mutero; nokuti ndiwo varanda vaMwari, vanoramba vachingobatira chinhu icho. Ripirai vose zvavanofanira kuripirwa, Mutero kuna vanofanira kutererwa; kutya kuna vanofanira kutyiwa; kukudza kuna vanofanira kukudzwa. Musava nechikwerete nomunhu, asi chokudana; nokuti anoda mumwe, azadzisa murayiro. Nokuti izvo zvokuti, “Usaita upombwe, usauraya, usaba, usachiva; kana murayiro upi noupi,” zvakaunganidzwa pashoko rokuti, “Ude wokwako sezvaunozvida iwe.” Rudo haruitiri wokwako zvakaipa; naizvozvo rudo runozadzisa murayiro. Zvikuru ndinoreva izvozvi, zvatinoziva nguva, kuti zvino yatova nguva yokumuka kwenyu pahope; nokuti zvino kuponeswa kwedu kwava pedyo kupfuura zuva ratakatanga kutenda naro. Usiku hwapfuura, kwoedza; naizvozvo ngatirashe mabasa erima, ngatishonge nhumbi dzokurwa dzechiedza. Ngatifambe nenzira yakafanira sapamasikati; tisingafambi nokutamba kwakaipa, nokubatwa, kana noupombwe, noutere, kana negakava, negodo. Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, musatsvaka kufadza nyama pakuchiva kwayo.

Verenga chikamu Varoma 13