ƲaRoma 13
13
Mutendi naƲaɓati ʋenyika.
1Munhu mumŋe nomumŋe ŋgaaɀiise pasi pamasimba makuru; nokuti hakunesimba risina‐kubʋa kunaMŋari; iwo ari’po akaiswa’po naMŋari. 2Saka unoramba simba, unodziʋisa ɀakaiswa’po naMŋari; ɀino iʋo ʋanodziʋisa, ʋanoɀitorera mhoȿa. 3Nokuti ʋaɓati haʋatyisi unoɓate‐ɓasa rakanaka, asi rakaipa. Unoɗa kusatya simba here? Ita ɀakanaka, ugorumbidzwa naro; 4nokuti ndiye mushumiri waMŋari kwauri, kuti akuitire ɀakanaka. Asi kana uciita ɀakaipa, citya; nokuti iye haaɓati munondo pasina; nokuti ndiye mushumiri waMŋari, mutsiʋi wokutsamŋa kunounoita ɀakaipa. 5Naiɀoɀo munofanira kuɀiisa pasi paʋo, musiŋgaɗaro nokuɗa kwokutsamŋa ɓedzi, asi nokuɗa kwehana ʋo. 6Nokuti nemhaka iyo munoripa ʋo mutero; nokuti ndiʋo ʋaranda ʋaMŋari, ʋanoramba ʋaciŋgoɓatira cinhu ico. 7Ripirai ʋose ɀaʋanofanira kuripirwa: Mutero kunaʋanofanira kutererwa; muripo kunaʋanofanira kuripirwa; kutya kunaʋanofanira kutyiwa; kukudza kunaʋanofanira kukudzwa.
Ruɗo runozadzisa murairo.
8Musaʋa necikwerete nomunhu, asi cokuɗana; nokuti unoɗa mumŋe, wazadzisa murairo. 9Nokuti iɀo ɀokuti: Usaita ʋupombge, usaʋuraya, usaɓa, usaciʋa; kana murairo upi noupi, ɀakaʋuŋganidzwa pashoko rokuti: Uɗe wokwako seɀaunoɀiɗa iwe. 10Ruɗo haruitiri wokwako ɀakaipa; naiɀoɀo ruɗo runozadzisa murairo.
Tinofanira kurinda.
11 Ɀikuru ndinoreʋa iɀoɀi, ɀatinoziʋa ŋguʋa, kuti ɀino yatoʋa ŋguʋa yokumuka kwenyu pahope; nokuti ɀino kuponeswa kweɗu kwaʋa pedyo kupfuʋura zuʋa ratakataŋga kutenda naro. 12Ʋusiku bgapfuʋura, kwoedza; naiɀoɀo ŋgatirashe maɓasa erima, ŋgatishoŋge nhumbi dzokurwa dzeciedza. 13Ŋgatifambe nenzira yakafanira sapamasikati; tisiŋgafambi nokutamba kwakaipa, nokuɓatwa, kana noʋupombge, noʋutere, kana negakaʋa, negoɗo. 14Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, musatȿaka kufadza nyama pakuciʋa kwayo.
Zvasarudzwa nguva ino
ƲaRoma 13: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018