Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaRoma 12

12
Kuɀipa kunaMŋari.
1Naiɀoɀo ndinokumbira ɀikuru kwamuri, hama dzaŋgu, netsitsi dzaMŋari, kuti muise miʋiri yenyu, ciʋe ciɓayiro cipenyu, citȿene, cinofadza Mŋari, ndiko kunamata kwenyu kwomŋoyo. 2Musaenzaniswa nenyika ino; asi mushandurwe muraŋgariro wenyu uciʋandudzwa, kuti muidze muziʋe kuɗa kwaMŋari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana.
Ɀipo ɀaMŋari, noRuɗo kunaʋamŋe.
3Nokuti nenyasha dzandakapiwa, ndinoʋudza mumŋe nomumŋe uri pakati penyu, kuti arege kuɀifuŋga mukuru kupfuʋura paanofanira kufuŋga napo; asi afuŋge nokufuŋga kwakacenjera, mumŋe nomumŋe neciyero cokutenda, seɀaakagoʋerwa naMŋari. 4Nokuti seɀatinemitezo mizhinji pamuʋiri mumŋe, asi mitezo yose haineɓasa rimŋe cete; 5saiɀoɀo isu, tiri ʋazhinji, tiri muʋiri mumŋe cete munaKristu, mumŋe nomumŋe ari mutezo waʋamŋe. 6Tineɀipo ɀakasiyana, patakapiwa nyasha napo; kana kuri kuprofita, ŋgatiprofite ɀakaenzana nokutenda kweɗu; 7kana kuri kushumira, ŋgaɀiʋonekwe pakushumira kweɗu; kana kuri kudzidzisa, pakudzidzisa kweɗu; 8kana kuri kuraira, pakuraira kweɗu; unopa, ŋgaape nomŋoyo wose; uri mukuru, ŋgaaɓate nokushiŋgaira; unoitira ŋgoni, ŋgaaite nomufaro. 9Ruɗo ŋgarurege kuʋa nokunyeŋgera. Ʋeŋgai ɀakaipa; namatirai ɀakanaka. 10Kana ruri ruɗo pakati paʋatendi, ɗanai noruɗo rukuru; pakukudzana tuŋgamiriranai. 11Regai kuʋa noʋusimbe pakushiŋgaira; pisai pamŋeya; ɓatirai Ishe; 12farai patariro; tsuŋgirirai pakutambudzika; rambai mucinyeŋgetera; 13goʋanai naʋatȿene pakushaiwa kwaʋo; itirai ʋaeni ruɗo. 14Ropafadzai ʋanokutambudzai; ropafadzai, musatuka. 15Farai naʋanofara; cemai naʋanocema. 16Iʋai nomŋoyo mumŋe pakati penyu. Musatȿaka ɀinorumbidzwa, asi mufambidzane naʋanoɀininipisa. Musati pamŋoyo yenyu makacenjera. 17Musatsiʋa munhu cakaipa kana akuitirai cakaipa. Tȿakai ɀakarurama pamberi paʋanhu ʋose. 18Kana ɀicibvira, pamunogona napo, iʋai norugare naʋanhu ʋose. 19Musatsiʋa, ʋaɗikanwa, asi mudziʋurire kutsamŋa; nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Kutsiʋa ndokwaŋgu, ini ndicaripira — ndiɀo ɀinoreʋa Ishe. 20Asi kana muʋeŋgi wako aziya, umupe kudya; kana afa nenyota, umupe kunwa; nokuti kana uciita iɀoɀo, ucatutira mazimbe omŋoto pamusoro wake. 21Usakundwa neɀakaipa, asi ukunde ɀakaipa neɀakanaka.

Zvasarudzwa nguva ino

ƲaRoma 12: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda