1
ƲaRoma 12:2
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Musaenzaniswa nenyika ino; asi mushandurwe muraŋgariro wenyu uciʋandudzwa, kuti muidze muziʋe kuɗa kwaMŋari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
ƲaRoma 12:1
Naiɀoɀo ndinokumbira ɀikuru kwamuri, hama dzaŋgu, netsitsi dzaMŋari, kuti muise miʋiri yenyu, ciʋe ciɓayiro cipenyu, citȿene, cinofadza Mŋari, ndiko kunamata kwenyu kwomŋoyo.
3
ƲaRoma 12:12
farai patariro; tsuŋgirirai pakutambudzika; rambai mucinyeŋgetera
4
ƲaRoma 12:21
Usakundwa neɀakaipa, asi ukunde ɀakaipa neɀakanaka.
5
ƲaRoma 12:10
Kana ruri ruɗo pakati paʋatendi, ɗanai noruɗo rukuru; pakukudzana tuŋgamiriranai.
6
ƲaRoma 12:9
Ruɗo ŋgarurege kuʋa nokunyeŋgera. Ʋeŋgai ɀakaipa; namatirai ɀakanaka.
7
ƲaRoma 12:18
Kana ɀicibvira, pamunogona napo, iʋai norugare naʋanhu ʋose.
8
ƲaRoma 12:19
Musatsiʋa, ʋaɗikanwa, asi mudziʋurire kutsamŋa; nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Kutsiʋa ndokwaŋgu, ini ndicaripira — ndiɀo ɀinoreʋa Ishe.
9
ƲaRoma 12:11
Regai kuʋa noʋusimbe pakushiŋgaira; pisai pamŋeya; ɓatirai Ishe
10
ƲaRoma 12:3
Nokuti nenyasha dzandakapiwa, ndinoʋudza mumŋe nomumŋe uri pakati penyu, kuti arege kuɀifuŋga mukuru kupfuʋura paanofanira kufuŋga napo; asi afuŋge nokufuŋga kwakacenjera, mumŋe nomumŋe neciyero cokutenda, seɀaakagoʋerwa naMŋari.
11
ƲaRoma 12:17
Musatsiʋa munhu cakaipa kana akuitirai cakaipa. Tȿakai ɀakarurama pamberi paʋanhu ʋose.
12
ƲaRoma 12:16
Iʋai nomŋoyo mumŋe pakati penyu. Musatȿaka ɀinorumbidzwa, asi mufambidzane naʋanoɀininipisa. Musati pamŋoyo yenyu makacenjera.
13
ƲaRoma 12:20
Asi kana muʋeŋgi wako aziya, umupe kudya; kana afa nenyota, umupe kunwa; nokuti kana uciita iɀoɀo, ucatutira mazimbe omŋoto pamusoro wake.
14
ƲaRoma 12:14-15
Ropafadzai ʋanokutambudzai; ropafadzai, musatuka. Farai naʋanofara; cemai naʋanocema.
15
ƲaRoma 12:13
goʋanai naʋatȿene pakushaiwa kwaʋo; itirai ʋaeni ruɗo.
16
ƲaRoma 12:4-5
Nokuti seɀatinemitezo mizhinji pamuʋiri mumŋe, asi mitezo yose haineɓasa rimŋe cete; saiɀoɀo isu, tiri ʋazhinji, tiri muʋiri mumŋe cete munaKristu, mumŋe nomumŋe ari mutezo waʋamŋe.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo