Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaRoma 13:1-14

ƲaRoma 13:1-14 SUB1949

Munhu mumŋe nomumŋe ŋgaaɀiise pasi pamasimba makuru; nokuti hakunesimba risina‐kubʋa kunaMŋari; iwo ari’po akaiswa’po naMŋari. Saka unoramba simba, unodziʋisa ɀakaiswa’po naMŋari; ɀino iʋo ʋanodziʋisa, ʋanoɀitorera mhoȿa. Nokuti ʋaɓati haʋatyisi unoɓate‐ɓasa rakanaka, asi rakaipa. Unoɗa kusatya simba here? Ita ɀakanaka, ugorumbidzwa naro; nokuti ndiye mushumiri waMŋari kwauri, kuti akuitire ɀakanaka. Asi kana uciita ɀakaipa, citya; nokuti iye haaɓati munondo pasina; nokuti ndiye mushumiri waMŋari, mutsiʋi wokutsamŋa kunounoita ɀakaipa. Naiɀoɀo munofanira kuɀiisa pasi paʋo, musiŋgaɗaro nokuɗa kwokutsamŋa ɓedzi, asi nokuɗa kwehana ʋo. Nokuti nemhaka iyo munoripa ʋo mutero; nokuti ndiʋo ʋaranda ʋaMŋari, ʋanoramba ʋaciŋgoɓatira cinhu ico. Ripirai ʋose ɀaʋanofanira kuripirwa: Mutero kunaʋanofanira kutererwa; muripo kunaʋanofanira kuripirwa; kutya kunaʋanofanira kutyiwa; kukudza kunaʋanofanira kukudzwa. Musaʋa necikwerete nomunhu, asi cokuɗana; nokuti unoɗa mumŋe, wazadzisa murairo. Nokuti iɀo ɀokuti: Usaita ʋupombge, usaʋuraya, usaɓa, usaciʋa; kana murairo upi noupi, ɀakaʋuŋganidzwa pashoko rokuti: Uɗe wokwako seɀaunoɀiɗa iwe. Ruɗo haruitiri wokwako ɀakaipa; naiɀoɀo ruɗo runozadzisa murairo. Ɀikuru ndinoreʋa iɀoɀi, ɀatinoziʋa ŋguʋa, kuti ɀino yatoʋa ŋguʋa yokumuka kwenyu pahope; nokuti ɀino kuponeswa kweɗu kwaʋa pedyo kupfuʋura zuʋa ratakataŋga kutenda naro. Ʋusiku bgapfuʋura, kwoedza; naiɀoɀo ŋgatirashe maɓasa erima, ŋgatishoŋge nhumbi dzokurwa dzeciedza. Ŋgatifambe nenzira yakafanira sapamasikati; tisiŋgafambi nokutamba kwakaipa, nokuɓatwa, kana noʋupombge, noʋutere, kana negakaʋa, negoɗo. Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, musatȿaka kufadza nyama pakuciʋa kwayo.

Verenga chikamu ƲaRoma 13