Zvakazarurwa 21:15-27
Zvakazarurwa 21:15-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mutumwa akataura neni akanga ane tsvimbo yokuera yegoridhe, yokuyera guta, masuo namasvingo aro. Guta rakanga rakavakwa zvokuti mativi aro mana akanga akaenzana pakureba napaupamhi. Akaera guta netsvimbo uye akariwana rina mastadhia zviuru gumi nezviviri paurefu, uye rakapamhama nokureba sourefu hwaro. Akaera rusvingo rwaro uye rwaiva rukobvu makubhiti zana namakumi mana namana nokuyera kwavanhu, kwaishandiswa nomutumwa. Rusvingo rwakanga rwakavakwa nejasipa, uye guta rakanga rakavakwa negoridhe rakaisvonaka rinoonekera kunge girazi. Nheyo dzamasvingo eguta dzakanga dzakashongedzwa nemhando dzose dzamatombo anokosha. Nheyo yokutanga yakanga iri yejasipa, yechipiri yaiva yesafiri, yetatu yekasidhoni, yechina yeemaradhi; yeshanu yesadhonikisi, yechitanhatu yaiva yekarineri yechinomwe yaiva yekrisoriti, yorusere yaiva yebheriri, yepfumbamwe yaiva yetopazi, yegumi yaiva yekrisoprasi, yegumi neimwe yaiva yejasindi, yegumi nembiri yaiva yeametisti. Masuo gumi namaviri akanga ari amaparera, suo rimwe nerimwe rakaitwa neparera rimwe chete. Nzira huru yomuguta yakanga iri yegoridhe rakaisvonaka segirazi rinoonekera. Handina kuona temberi muguta, nokuti Ishe Mwari Wamasimba Ose neGwayana ndivo temberi yaro. Guta haritsvaki zuva kana mwedzi kuti zvivhenekere pamusoro paro, nokuti kubwinya kwaMwari ndiko kunovhenekera, uye Gwayana ndiro mwenje waro. Ndudzi dzichafamba nechiedza charo, uye madzimambo enyika achauyisa kubwinya kwawo mukati maro. Hapana zuva richatongozarirwa masuo aro, nokuti hakuchazova nousiku ikoko. Kubwinya nokukudzwa kwendudzi kuchauyiswa mariri. Hakuna chinhu chine tsvina chichazopinda imomo, uye kana upi zvake anoita zvinonyadzisa kana zvounyengeri, asi avo chete vana mazita akanyorwa mubhuku roupenyu reGwayana.
Zvakazarurwa 21:15-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Uyo, akataura neni, akanga anorutsanga rwendarama rwokuera guta narwo, namasuo aro norusvingo rwaro. Guta rakanga rakavakwa namatavi mana akaenzana, kureba kwaro kwakaenzana nokufara kwaro; akayera guta norutsanga, zvikasvika pamasitadhia ane zviuru zvine gumi nezviviri kureba nokufara nokukwirira kwaro zvakanga zvakaenzana. Akaera rusvingo rwaro, makubhiti ane zana namakumi mana namana, nechiyero chomunhu, chiri chiyero chomutumwa. Rusvingo rwaro rwakanga rwakavakwa nejasipisi, uye guta rakanga riri rendarama yakaisvonaka, yakaonekera kwazvo. Nheyo dzorusvingo rweguta dzakanga dzakashongedzwa namambwe amarudzi ose anokosha. Nheyo yokutanga yakanga iri yejasipisi; yechipiri yesafiri; yechitatu yekarisidhoni; yechina yesimaragidhino; yechishanu yesaridhonikisi; yechitanhatu yesaridhio; yechinomwe yekirisoriti; yorusere yebheriri; yepfumbamwe yetopasi; yegumi yekirisopirasi; yegumi neimwe yehiakinti; yegumi nembiri yeametesti. Masuo ane gumi namaviri akanga ari amapera ane gumi namaviri; suo rimwe nerimwe rakanga riri reparera rimwe; nzira yomuguta yakanga iri yendarama yakaisvonaka, inoita seinoonekera. Handina kuona temberi mukati maro, nokuti Ishe Mwari waMasimbaose neGwayana itemberi yaro. Guta haritsvaki zuva kana mwedzi, kuti rivhenekerwe nazvo; nokuti kubwinya kwaMwari ndiko kwairivhenekera, nomwenje waro ndiro Gwayana. Ndudzi dzinofamba nechiedza charo; madzimambo enyika anouyisa kubwinya kwawo mukati maro. Masuo aro haangatongozarirwi masikati, nokuti usiku hahuchazovipo. Vachauyisa mukati maro kubwinya nokukudzwa kwendudzi. Mukati maro hamungatongopindi chinhu chinosvibisa, kana chinonyangadza, kana chine nhema; asi avo bedzi vakanyorwa mubhuku yohupenyu yeGwayana.
Zvakazarurwa 21:15-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Uyo aitaura neni akanga aino rutanda rwendarama rwokueresa guta iroro nemisuo mikuru yaro namasvingo arwo. Guta iroro raiva namativi mana akaenzana. Urefu hwaro hwakanga hwakaenzana noupamhi hwaro. Akaera urefu hweguta norutanda rwake hukaita makiromita zviuru zviviri zvina mazana maviri urefu hwaro noupamhi hwaro nokukwira kwaro mudenga zvakanga zvakaenzana. Akaerawo rusvingo rwaro rukaita mamita makumi matanhatu ana mashanu namaerero anoita vanhu asi iye ari mutumwa aiera. Rusvingo irworwo rwakanga rwakavakwa namatombo ejasipa. Iro guta riri rendarama yoga yoga rakachena segirazi. Ugaro hwerusvingo rweguta iroro hwakanga hwakashongedzwa nezvishongo zvemhando nemhando. Chishongo chokutanga chakanga chiri chejasipa chechipiri chiri chesafaya chechitatu chiri cheagati chechina chiri cheemeradhi chechishanu chiri cheonikisi chechitanhatu chiri chekaneriani chechinomwe chiri chekirisoriti chechisere chiri cheberi chechipfumbamwe chiri chetopazi chegumi chiri chekirisopurasi chegumi nechimwe chiri chejasindi chegumi nechipiri chiri cheemetisiti. Misuo mikuru gumi nemiviri iya yakanga iri yamapera gumi namaviri. Suo guru rimwe nerimwe rakaitwa nePera rimwechete. Migwagwa yeguta iroro yakanga iri yendarama yakanakisisa inoonekera segirazi. Asi handina kuona Temberi muguta iroro nokuti Temberi yaro ndiTenzi Mwari, Samasimbaose neHwayana. Guta iroro haridi zuva kana mwedzi zvokurivhenekera nazvo nokuti kupenya kokuvapo kwaMwari ndicho chiedza charo, Hwayana iri iyo rambi rayo. Marudzi ose achafamba achivhenekerwa nechiedza charo uye madzimambo apasi achauisa mariri zvinovapa mbiri. Misuo yaro mikuru haichazombopfigwa masikati uye hakuzombovi nousiku ikoko. Vachaunzamo mariri zvinhu zvinopa marudzi mbiri nomukurumbira. Hakuna chakan'ora chichapinda mariri kana ani zvake anoita zvisingadiwi naMwari kana anonyengedza kusiya chete vakanyorwa mubhuku roupenyu reHwayana.
Zvakazarurwa 21:15-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Uyo, wakataura neni, wakaŋga anorutsaŋga rwendarama rwokuyera guta narwo, namasuʋo aro noruȿiŋgo rwaro. Guta rakaŋga rakaʋakwa namatiʋi manna akaenzana, kureɓa kwaro kwakaenzana nokufara kwaro; akayera guta norutsaŋga, ɀikaȿika pamastadia aneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri; kureɓa nokufara, nokukwirira kwaro ɀakaŋga ɀakaenzana. Akayera ruȿiŋgo rwaro, makubiti anezana namakumi manna namanna, neciyero comunhu, ciri ciyero comutumŋa. Ruȿiŋgo rwaro rwakaŋga rwakaʋakwa nejaspisi, ʋuye guta rakaŋga riri rendarama yakaiȿo‐naka, yakaʋonekera kwaɀo. Nheyo dzoruȿiŋgo rweguta dzakaŋga dzakashoŋgedzwa namabge amarudzi ose anokosha. Nheyo yokutaŋga yakaŋga iri yejaspisi; yecipiri yesafiri; yecitatu yekarsidoni; yecinna yesmaragdino; yecishanu yesardoniksi; yecitanhatu yesardio; yecinomŋe yekrisoriti; yorusere yeberiri; yepfumbamŋe yetopasi; yegumi yekrisoprasi; yegumi neimŋe yehiakinti; yegumi nembiri yeametesti. Masuʋo anegumi namaʋiri akaŋga ari amaparera anegumi namaʋiri; suʋo rimŋe nerimŋe rakaŋga riri reparera rimŋe; nzira yomuguta yakaŋga iri yendarama yakaiȿo‐naka, inoita seinoʋonekera. Handina‐kuʋona tembere mukati maro, nokuti Ishe Mŋari wamasimba ose neGwaiana itembere yaro. Guta haritȿaki zuʋa kana mŋedzi, kuti rivenekerwe naɀo; nokuti kubginya kwaMŋari ndiko kwairivenekera, nomŋenje waro ndiro Gwaiana. Ndudzi dzinofamba neciedza caro; madzimambo enyika anoʋuyisa kubginya kwawo mukati maro. Masuʋo aro haaŋgatoŋgozarirwi masikati, nokuti ʋusiku habgucazoʋi’po. Ʋacaʋuyisa mukati maro kubginya nokukudzwa kwendudzi. Mukati maro hamuŋgatoŋgopindi cinhu cinoȿiɓisa, kana cinonyaŋgadza, kana cinenhema; asi aʋo ɓeɗzi ʋakanyorwa mubuku yoʋupenyu yeGwaiana.
Zvakazarurwa 21:15-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)