Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakazarurwa 21:15-27

Zvakazarurwa 21:15-27 SNA2002

Uyo, akataura neni, akanga anorutsanga rwendarama rwokuera guta narwo, namasuo aro norusvingo rwaro. Guta rakanga rakavakwa namatavi mana akaenzana, kureba kwaro kwakaenzana nokufara kwaro; akayera guta norutsanga, zvikasvika pamasitadhia ane zviuru zvine gumi nezviviri kureba nokufara nokukwirira kwaro zvakanga zvakaenzana. Akaera rusvingo rwaro, makubhiti ane zana namakumi mana namana, nechiyero chomunhu, chiri chiyero chomutumwa. Rusvingo rwaro rwakanga rwakavakwa nejasipisi, uye guta rakanga riri rendarama yakaisvonaka, yakaonekera kwazvo. Nheyo dzorusvingo rweguta dzakanga dzakashongedzwa namambwe amarudzi ose anokosha. Nheyo yokutanga yakanga iri yejasipisi; yechipiri yesafiri; yechitatu yekarisidhoni; yechina yesimaragidhino; yechishanu yesaridhonikisi; yechitanhatu yesaridhio; yechinomwe yekirisoriti; yorusere yebheriri; yepfumbamwe yetopasi; yegumi yekirisopirasi; yegumi neimwe yehiakinti; yegumi nembiri yeametesti. Masuo ane gumi namaviri akanga ari amapera ane gumi namaviri; suo rimwe nerimwe rakanga riri reparera rimwe; nzira yomuguta yakanga iri yendarama yakaisvonaka, inoita seinoonekera. Handina kuona temberi mukati maro, nokuti Ishe Mwari waMasimbaose neGwayana itemberi yaro. Guta haritsvaki zuva kana mwedzi, kuti rivhenekerwe nazvo; nokuti kubwinya kwaMwari ndiko kwairivhenekera, nomwenje waro ndiro Gwayana. Ndudzi dzinofamba nechiedza charo; madzimambo enyika anouyisa kubwinya kwawo mukati maro. Masuo aro haangatongozarirwi masikati, nokuti usiku hahuchazovipo. Vachauyisa mukati maro kubwinya nokukudzwa kwendudzi. Mukati maro hamungatongopindi chinhu chinosvibisa, kana chinonyangadza, kana chine nhema; asi avo bedzi vakanyorwa mubhuku yohupenyu yeGwayana.