Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakazarurwa 21

21
Denga idzva nenyika itsva
1Zvino ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura; negungwa rakanga risisipo. 2Ndikaona guta dzvene, Jerusaremu idzva, richiburuka kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga akashongerwa murume wake.
3Ndikanzwa izwi richibva kudenga, richiti, “Tarirai, tabhenakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye achagara navo, ivo vachava vanhu vake; Mwari amene achava navo, ave Mwari wavo. 4Achapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuwura.”
5Akanga agere pachigaro choushe akati, “Tarirai, ndinovandudza zvose.” Akati, “Nyora, nokuti mashoko awa angatendwe, ndeechokwadi.” 6Akati kwandiri, “Zvaitwa. Ndini Arifa neOmega, kutanga nokuguma. Ini ndichapa ane nyota zvinobva patsime remvura youpenyu asingatengi. 7Anokunda achagara nhaka yezvinhu izvi; ndichava Mwari wake, iye achava mwanakomana wangu.
8“Asi kana vari vanotya, navasingatendi navanyangadzi, navaurayi, nemhombwe, navaroyi, navanonamata zvifananidzo, navose vanoreva nhema, mugove wavo uri mudziva rinopfuta nomoto nesuriferi; ndirwo rufu rwechipiri.”
Jerusaremu idzva
9Zvino mumwe wavatumwa vanomwe, vakanga vane ndiro nomwe dzizere namadambudziko manomwe okupedzisira, akasvika, akataura neni, achiti, “Uya pano, ndigokuratidza mwenga, mukadzi weGwayana.” 10Ipapo wakandiisa muMweya kugomo guru refu, akandiratidza guta dzvene, Jerusaremu, richiburuka kudenga, richibva kuna Mwari, 11rinokubwinya kwaMwari; chiedza charo chakanga chakaita sebwe rinokosha kwazvo, sebwe rejasipisi, rinowonekera sekirisitaro; 12rakanga rinorusvingo rukuru, rurefu, rakanga rina masuo ane gumi namaviri; navatumwa vane gumi navaviri pamasuo, namazita akanyorwa pamusoro pawo, ari mazita amarudzi ane gumi namaviri avana vaIsiraeri.
13Kumabvazuva kwakanga kuna masuo matatu; kumusoro masuo matatu, zasi masuo matatu; nokumavirira masuo matatu; 14rusvingo rweguta rwakanga rune nheyo dzine gumi nembiri; napamusoro padzo mazita avapostori vane gumi navaviri veGwayana.
15Uyo, akataura neni, akanga anorutsanga rwendarama rwokuera guta narwo, namasuo aro norusvingo rwaro. 16Guta rakanga rakavakwa namatavi mana akaenzana, kureba kwaro kwakaenzana nokufara kwaro; akayera guta norutsanga, zvikasvika pamasitadhia ane zviuru zvine gumi nezviviri kureba nokufara nokukwirira kwaro zvakanga zvakaenzana. 17Akaera rusvingo rwaro, makubhiti ane zana namakumi mana namana, nechiyero chomunhu, chiri chiyero chomutumwa.
18Rusvingo rwaro rwakanga rwakavakwa nejasipisi, uye guta rakanga riri rendarama yakaisvonaka, yakaonekera kwazvo. 19Nheyo dzorusvingo rweguta dzakanga dzakashongedzwa namambwe amarudzi ose anokosha. Nheyo yokutanga yakanga iri yejasipisi; yechipiri yesafiri; yechitatu yekarisidhoni; yechina yesimaragidhino; 20yechishanu yesaridhonikisi; yechitanhatu yesaridhio; yechinomwe yekirisoriti; yorusere yebheriri; yepfumbamwe yetopasi; yegumi yekirisopirasi; yegumi neimwe yehiakinti; yegumi nembiri yeametesti. 21Masuo ane gumi namaviri akanga ari amapera ane gumi namaviri; suo rimwe nerimwe rakanga riri reparera rimwe; nzira yomuguta yakanga iri yendarama yakaisvonaka, inoita seinoonekera.
22Handina kuona temberi mukati maro, nokuti Ishe Mwari waMasimbaose neGwayana itemberi yaro. 23Guta haritsvaki zuva kana mwedzi, kuti rivhenekerwe nazvo; nokuti kubwinya kwaMwari ndiko kwairivhenekera, nomwenje waro ndiro Gwayana. 24Ndudzi dzinofamba nechiedza charo; madzimambo enyika anouyisa kubwinya kwawo mukati maro. 25Masuo aro haangatongozarirwi masikati, nokuti usiku hahuchazovipo. 26Vachauyisa mukati maro kubwinya nokukudzwa kwendudzi. 27Mukati maro hamungatongopindi chinhu chinosvibisa, kana chinonyangadza, kana chine nhema; asi avo bedzi vakanyorwa mubhuku yohupenyu yeGwayana.

Zvasarudzwa nguva ino

Zvakazarurwa 21: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda