1
Zvakazarurwa 21:4
Shona Bible 1949, revised 2002
Achapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuwura.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Zvakazarurwa 21:5
Akanga agere pachigaro choushe akati, “Tarirai, ndinovandudza zvose.” Akati, “Nyora, nokuti mashoko awa angatendwe, ndeechokwadi.”
3
Zvakazarurwa 21:3
Ndikanzwa izwi richibva kudenga, richiti, “Tarirai, tabhenakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye achagara navo, ivo vachava vanhu vake; Mwari amene achava navo, ave Mwari wavo.
4
Zvakazarurwa 21:6
Akati kwandiri, “Zvaitwa. Ndini Arifa neOmega, kutanga nokuguma. Ini ndichapa ane nyota zvinobva patsime remvura youpenyu asingatengi.
5
Zvakazarurwa 21:7
Anokunda achagara nhaka yezvinhu izvi; ndichava Mwari wake, iye achava mwanakomana wangu.
6
Zvakazarurwa 21:8
“Asi kana vari vanotya, navasingatendi navanyangadzi, navaurayi, nemhombwe, navaroyi, navanonamata zvifananidzo, navose vanoreva nhema, mugove wavo uri mudziva rinopfuta nomoto nesuriferi; ndirwo rufu rwechipiri.”
7
Zvakazarurwa 21:1
Zvino ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura; negungwa rakanga risisipo.
8
Zvakazarurwa 21:2
Ndikaona guta dzvene, Jerusaremu idzva, richiburuka kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga akashongerwa murume wake.
9
Zvakazarurwa 21:23-24
Guta haritsvaki zuva kana mwedzi, kuti rivhenekerwe nazvo; nokuti kubwinya kwaMwari ndiko kwairivhenekera, nomwenje waro ndiro Gwayana. Ndudzi dzinofamba nechiedza charo; madzimambo enyika anouyisa kubwinya kwawo mukati maro.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo