Uyo, wakataura neni, wakaŋga anorutsaŋga rwendarama rwokuyera guta narwo, namasuʋo aro noruȿiŋgo rwaro. Guta rakaŋga rakaʋakwa namatiʋi manna akaenzana, kureɓa kwaro kwakaenzana nokufara kwaro; akayera guta norutsaŋga, ɀikaȿika pamastadia aneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri; kureɓa nokufara, nokukwirira kwaro ɀakaŋga ɀakaenzana. Akayera ruȿiŋgo rwaro, makubiti anezana namakumi manna namanna, neciyero comunhu, ciri ciyero comutumŋa. Ruȿiŋgo rwaro rwakaŋga rwakaʋakwa nejaspisi, ʋuye guta rakaŋga riri rendarama yakaiȿo‐naka, yakaʋonekera kwaɀo. Nheyo dzoruȿiŋgo rweguta dzakaŋga dzakashoŋgedzwa namabge amarudzi ose anokosha. Nheyo yokutaŋga yakaŋga iri yejaspisi; yecipiri yesafiri; yecitatu yekarsidoni; yecinna yesmaragdino; yecishanu yesardoniksi; yecitanhatu yesardio; yecinomŋe yekrisoriti; yorusere yeberiri; yepfumbamŋe yetopasi; yegumi yekrisoprasi; yegumi neimŋe yehiakinti; yegumi nembiri yeametesti. Masuʋo anegumi namaʋiri akaŋga ari amaparera anegumi namaʋiri; suʋo rimŋe nerimŋe rakaŋga riri reparera rimŋe; nzira yomuguta yakaŋga iri yendarama yakaiȿo‐naka, inoita seinoʋonekera. Handina‐kuʋona tembere mukati maro, nokuti Ishe Mŋari wamasimba ose neGwaiana itembere yaro. Guta haritȿaki zuʋa kana mŋedzi, kuti rivenekerwe naɀo; nokuti kubginya kwaMŋari ndiko kwairivenekera, nomŋenje waro ndiro Gwaiana. Ndudzi dzinofamba neciedza caro; madzimambo enyika anoʋuyisa kubginya kwawo mukati maro. Masuʋo aro haaŋgatoŋgozarirwi masikati, nokuti ʋusiku habgucazoʋi’po. Ʋacaʋuyisa mukati maro kubginya nokukudzwa kwendudzi. Mukati maro hamuŋgatoŋgopindi cinhu cinoȿiɓisa, kana cinonyaŋgadza, kana cinenhema; asi aʋo ɓeɗzi ʋakanyorwa mubuku yoʋupenyu yeGwaiana.
Verenga chikamu Ɀakazarurwa 21
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ɀakazarurwa 21:15-27
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo