Zvakazarurwa 17:3-14
Zvakazarurwa 17:3-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Ndiina Mweya mandiri akaenda neni kugwenga ndikaona mukadzi akatasva pachikara chitsvuku chakanga chazara namazita okushonha Mwari chakanga chiine misoro minomwe nenyanga gumi. Mukadzi iyeyo akanga akapfeka hanzu dzinokosha dzoruvara rwohute norutsvuku akashongedzwa nendarama, nezvishongo zvinokosha namatombo anokosha amapera akabata kapu yendarama izere zvisingadiwi naMwari nezvakan'ora zvoufeve hwake. Pahuma pake pakanga pakanyorwa zita rakavandika rokuti, “BHABHIRONI GUTA GURU, ZIMAI REPFAMBI uye ZIMAI REZVISINGADIWI NAMWARI PASI POSE.” Uye ndakaona mukadzi uya akararadza neropa ravatsvene uye neropa rezvapupu zvakafira Jesu. Pandakamuona ndakashamiswa kwazvo. Asi mutumwa akati kwandiri, “Ko uri kushamiswa nei? Rega ndikutaurire zvakavandika zvomukadzi uyu uye nezvechikara chine misoro minomwe nenyanga gumi chinomutakura. Chikara chawakaona chaivapo iye zvino hachisisipo chichabuda mugomba risina parinoperera chichindoparadzwa. Vanhu, panyika, vasina kunyorwa mazita avo mubhuku roupenyu pasi pasati pavapo, vachashamiswa vachiona chikara chiya, kuti chaimbovapo zvino hachichisipo asi chichavapozve. Izvi zvinoda munhu anofunga anoungwaru. Misoro minomwe zvikomo zvinomwe zvakagarwa nomukadzi; uyewo kune madzimambo manomwe. Vashanu vavo vakatofa. Mumwe wavo ndiye ari kutonga mumwe haasati atouya asi kana auya achatonga kwechinguvana. Chikara chiya chakanga chiripo asi chisisipo ndiye mambo wechisere. Asi ari pamwechete navanomwe vaya; bva achaparadzwa. “Nyanga gumi dzawaona, madzimambo gumi vasati vagadzwa umambo asi vachapiwa simba roumambo kweawa imwechete pamwechete nechikara chiya. Vane mweya wechirwirangwe uye vakapa simba ravo noukuru hwavo kuchikara. Vacharwisa Hwayana asi Hwayana ichavakurira nokuti ndiTenzi wavanatenzi naMambo wamadzimambo. Uye vaainavo vanhu vakadanwa vakasarudzwa uye vakatendeka.”
Zvakazarurwa 17:3-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo mutumwa akanditakura ndiri muMweya akaenda neni kugwenga. Ikoko ndakaona mukadzi agere pamusoro pechikara chitsvuku chakanga chakafukidzwa namazita okumhura uye chakanga chine misoro minomwe nenyanga gumi. Mukadzi uyu akanga akapfeka nguo yepepuru nezvitsvuku uye aitaima negoridhe, mabwe anokosha namaparera. Akanga akabata mukombe wegoridhe muruoko rwake, uzere nezvinonyangadza uye netsvina youpombwe hwake. Zita iri rakanga rakanyorwa pahuma yake: chakavanzika bhabhironi guta guru mai vemhombwe nezvinonyangadza zvenyika Ndakaona kuti mukadzi uyu akanga araradza neropa ravatsvene, ropa ravaya vanopupura Jesu. Pandakamuona, ndakakatyamara zvikuru. Ipapo mutumwa akati kwandiri, “Seiko wakatyamara? Ndichakutsanangurira chakavanzika chomukadzi uye nechechikara chaanotasva, chine misoro minomwe nenyanga gumi. Chikara, chawaona, chaivapo kare, zvino hachisisipo, uye chichabuda mugomba rakadzika chigoenda kundoparadzwa. Vanogara panyika vane mazita asina kunyorwa mubhuku roupenyu kubva pakusikwa kwenyika, vachakatyamara pavachaona chikara, nokuti chakanga chiripo, asi zvino hachisisipo, asi chichauya. “Izvi zvava kuda pfungwa dzine uchenjeri. Misoro minomwe ndiwo zvikomo zvinomwe zvinogarwa nomukadzi uyu. Pane madzimambo manomwewo. Vashanu vakawa, mumwe chete aripo, mumwe wacho haasati auya; asi paanouya, anofanira kugara kwechinguva chiduku. Chikara chiya chaivapo, uye chisisipo zvino, ndiye mambo worusere. Ndiye mumwe wavanomwe uye ari kuzoparadzwa. “Nyanga gumi dzawaona ndiwo madzimambo gumi vasati vagamuchira umambo, asi paawa imwe chete vachagamuchira simba samadzimambo pamwe chete nechikara. Vane chinangwa chimwe chete uye vachapa umambo hwavo nesimba ravo kuchikara. Vachaita hondo neGwayana, asi Gwayana richavakunda nokuti ndiye Ishe wamadzishe naMambo wamadzimambo, uye vakadanwa varo ndivo vachava naro, vakasanangurwa uye vateveri vakatendeka.”
Zvakazarurwa 17:3-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo akandiisa kurenje mumweya, ndikaona mukadzi akatasva chikara chitsvuku, chizere namazita okumhura Mwari, chine misoro minomwe nenyanga gumi. Mukadzi akanga akapfeka nguo tsuku neshava, akashonga ndarama namabwe anokosha, namapera, nomuruoko rwake makanga munomudziyo wendarama uzere nezvinonyangadza netsvina youpombwe hwake. Pahuma yake pakanga pakanyorwa zita rakavanzika iri: “BHABHIRONI, GUTA GURU, MAI VEMHOMBWE NAVEZVINONYANGADZA ZVENYIKA.” Ipapo ndakaona mukadzi akabatwa neropa ravatsvene, uye neropa rezvapupu zvaJesu; ndikati ndichimuona ndikashamiswa nokushamiswa kukuru. Ipapo mutumwa akati kwandiri, “Washamiswa neiko? Ndichakuudza zvakavanzika zvomukadzi, nezvechikara chinomutakura chine misoro minomwe nenyanga dzine gumi. Chikara chawaona, chaivapo, hachichipo; choda kukwira chichibva mugomba rakadzika-dzika kundoparadzwa; vanogara panyika vasina kunyorwa mazita avo mubhuku youpenyu kubva pakusikwa kwenyika, vachashamiswa kana vachiona chikara, kuti chaivapo, hachichipo, uye chichazovapo. “Ndipo panokufunga kune njere. Misoro minomwe ndiwo makomo manomwe, anogarwa nomukadzi. Ndiwo madzimambo manomwe; vashanu vawa, mumwe aripo, mumwe agere kusvika; kana achisvika, anofanira kugara chinguva chiduku. Chikara chaivapo, chisisipo, ndiye worusere, mumwe wavanomwe, anondoparadzwa. “Nyanga dzine gumi dzawaona, ndiwo madzimambo ane gumi, achigere kupiwa ushe, asi vachapiwa simba samadzimambo pamwechete nechikara nguva imwe. “Ivo vane ndangariro imwe, vanopa chikara simba ravo noushe hwavo. Ava vacharwa neGwayana, Gwayana richavakunda; nokuti iro ndiIshe wamadzishe, namambo wamamdzimambo; naivo vanaro ndivanhu vakadanwa, vatsvene, vakatendeka.”
Zvakazarurwa 17:3-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndiina Mweya mandiri akaenda neni kugwenga ndikaona mukadzi akatasva pachikara chitsvuku chakanga chazara namazita okushonha Mwari chakanga chiine misoro minomwe nenyanga gumi. Mukadzi iyeyo akanga akapfeka hanzu dzinokosha dzoruvara rwohute norutsvuku akashongedzwa nendarama, nezvishongo zvinokosha namatombo anokosha amapera akabata kapu yendarama izere zvisingadiwi naMwari nezvakan'ora zvoufeve hwake. Pahuma pake pakanga pakanyorwa zita rakavandika rokuti, “BHABHIRONI GUTA GURU, ZIMAI REPFAMBI uye ZIMAI REZVISINGADIWI NAMWARI PASI POSE.” Uye ndakaona mukadzi uya akararadza neropa ravatsvene uye neropa rezvapupu zvakafira Jesu. Pandakamuona ndakashamiswa kwazvo. Asi mutumwa akati kwandiri, “Ko uri kushamiswa nei? Rega ndikutaurire zvakavandika zvomukadzi uyu uye nezvechikara chine misoro minomwe nenyanga gumi chinomutakura. Chikara chawakaona chaivapo iye zvino hachisisipo chichabuda mugomba risina parinoperera chichindoparadzwa. Vanhu, panyika, vasina kunyorwa mazita avo mubhuku roupenyu pasi pasati pavapo, vachashamiswa vachiona chikara chiya, kuti chaimbovapo zvino hachichisipo asi chichavapozve. Izvi zvinoda munhu anofunga anoungwaru. Misoro minomwe zvikomo zvinomwe zvakagarwa nomukadzi; uyewo kune madzimambo manomwe. Vashanu vavo vakatofa. Mumwe wavo ndiye ari kutonga mumwe haasati atouya asi kana auya achatonga kwechinguvana. Chikara chiya chakanga chiripo asi chisisipo ndiye mambo wechisere. Asi ari pamwechete navanomwe vaya; bva achaparadzwa. “Nyanga gumi dzawaona, madzimambo gumi vasati vagadzwa umambo asi vachapiwa simba roumambo kweawa imwechete pamwechete nechikara chiya. Vane mweya wechirwirangwe uye vakapa simba ravo noukuru hwavo kuchikara. Vacharwisa Hwayana asi Hwayana ichavakurira nokuti ndiTenzi wavanatenzi naMambo wamadzimambo. Uye vaainavo vanhu vakadanwa vakasarudzwa uye vakatendeka.”
Zvakazarurwa 17:3-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo wakandiisa kurenje mumŋeya, ndikaʋona mukadzi akataȿa cikara citȿuku, cizere namazita okumhura Mŋari, cinemisoro minomŋe nenyaŋga gumi. Mukadzi wakaŋga akapfeka ŋguʋo tȿuku neshaʋa, akashoŋga ndarama namabge anokosha, namaparera, nomuruʋoko rwake makaŋga munomudziyo wendarama uzere neɀinonyaŋgadza netȿina yoʋupombge bgake. Pahuma yake pakaŋga pakanyorwa zita rakaʋanzika iri: BABIRONI, GUTA GURU, MAI ƲEMHOMBGE NAƲEⱿINONYAŊGADZA ⱿENYIKA. Ipapo ndakaʋona mukadzi akaɓatwa neropa raʋatȿene, ʋuye neropa reɀapupu ɀaJesu; ndikati ndicimuʋona ndikashamiswa nokushamiswa kukuru. Ipapo mutumŋa akati kwandiri: Washamiswa neiko? Ndicakuʋudza ɀakaʋanzika ɀomukadzi, neɀecikara cinomutakura cinemisoro minomŋe nenyaŋga dzinegumi. Cikara cawaʋona, caiʋa’po, hacici’po; coɗo‐kukwira cicibva mugomba rakadzika‐dzika kundoparadzwa; ʋanogara panyika ʋasina‐kunyorwa mazita aʋo mubuku yoʋupenyu kubva pakusikwa kwenyika, ʋacashamiswa kana ʋaciʋona cikara, kuti caiʋa’po, hacici’po, ʋuye cicazoʋa’po. Ndipo panokufuŋga kunenjere. Misoro minomŋe ndiwo makomo manomŋe, anogarwa nomukadzi. Ndiwo madzimambo manomŋe; ʋashanu ʋawa, mumŋe uri’po, mumŋe ugere kuȿika; kana aciȿika, unofanira kugara ciŋguʋa ciɗuku. Cikara caiʋa’po, cisisi’po, ndiye worusere, mumŋe waʋanomŋe, unondoparadzwa. Nyaŋga dzinegumi dzawaʋona, ndiwo madzimambo anegumi, acigere kupiwa ʋushe, asi ʋacapiwa simba samadzimambo pamŋe cete necikara ŋguʋa imŋe. Iʋo ʋanendaŋgariro imŋe, ʋanopa cikara simba raʋo noʋushe bgaʋo. Aʋa ʋacarwa neGwaiana, Gwaiana ricaʋakunda; nokuti iro ndiShe wamadzishe, namambo wamadzimambo; naiʋo ʋanaro ndiʋanhu ʋakaɗanwa, ʋatȿene, ʋakatendeka.