Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakaratidzwa 17:3-14

Zvakaratidzwa 17:3-14 SCLBD

Ndiina Mweya mandiri akaenda neni kugwenga ndikaona mukadzi akatasva pachikara chitsvuku chakanga chazara namazita okushonha Mwari chakanga chiine misoro minomwe nenyanga gumi. Mukadzi iyeyo akanga akapfeka hanzu dzinokosha dzoruvara rwohute norutsvuku akashongedzwa nendarama, nezvishongo zvinokosha namatombo anokosha amapera akabata kapu yendarama izere zvisingadiwi naMwari nezvakan'ora zvoufeve hwake. Pahuma pake pakanga pakanyorwa zita rakavandika rokuti, “BHABHIRONI GUTA GURU, ZIMAI REPFAMBI uye ZIMAI REZVISINGADIWI NAMWARI PASI POSE.” Uye ndakaona mukadzi uya akararadza neropa ravatsvene uye neropa rezvapupu zvakafira Jesu. Pandakamuona ndakashamiswa kwazvo. Asi mutumwa akati kwandiri, “Ko uri kushamiswa nei? Rega ndikutaurire zvakavandika zvomukadzi uyu uye nezvechikara chine misoro minomwe nenyanga gumi chinomutakura. Chikara chawakaona chaivapo iye zvino hachisisipo chichabuda mugomba risina parinoperera chichindoparadzwa. Vanhu, panyika, vasina kunyorwa mazita avo mubhuku roupenyu pasi pasati pavapo, vachashamiswa vachiona chikara chiya, kuti chaimbovapo zvino hachichisipo asi chichavapozve. Izvi zvinoda munhu anofunga anoungwaru. Misoro minomwe zvikomo zvinomwe zvakagarwa nomukadzi; uyewo kune madzimambo manomwe. Vashanu vavo vakatofa. Mumwe wavo ndiye ari kutonga mumwe haasati atouya asi kana auya achatonga kwechinguvana. Chikara chiya chakanga chiripo asi chisisipo ndiye mambo wechisere. Asi ari pamwechete navanomwe vaya; bva achaparadzwa. “Nyanga gumi dzawaona, madzimambo gumi vasati vagadzwa umambo asi vachapiwa simba roumambo kweawa imwechete pamwechete nechikara chiya. Vane mweya wechirwirangwe uye vakapa simba ravo noukuru hwavo kuchikara. Vacharwisa Hwayana asi Hwayana ichavakurira nokuti ndiTenzi wavanatenzi naMambo wamadzimambo. Uye vaainavo vanhu vakadanwa vakasarudzwa uye vakatendeka.”