Zvakazarurwa 17
17
Kuputsika kweBhabhironi, mhombwe huru
1Zvino mumwe wavatumwa vanomwe, vakanga vane ndiro nomwe, akauya akataura neni, achiti, “Uya pano, ndichakuratidza kutongwa kwemhombwe huru, inogara pamusoro pemvura zhinji; 2madzimambo enyika akaita upombwe nayo, navanogara panyika vakabatwa newaini youpombwe hwayo.”
3Ipapo akandiisa kurenje mumweya, ndikaona mukadzi akatasva chikara chitsvuku, chizere namazita okumhura Mwari, chine misoro minomwe nenyanga gumi. 4Mukadzi akanga akapfeka nguo tsuku neshava, akashonga ndarama namabwe anokosha, namapera, nomuruoko rwake makanga munomudziyo wendarama uzere nezvinonyangadza netsvina youpombwe hwake. 5Pahuma yake pakanga pakanyorwa zita rakavanzika iri: “BHABHIRONI, GUTA GURU, MAI VEMHOMBWE NAVEZVINONYANGADZA ZVENYIKA.” 6Ipapo ndakaona mukadzi akabatwa neropa ravatsvene, uye neropa rezvapupu zvaJesu; ndikati ndichimuona ndikashamiswa nokushamiswa kukuru. 7Ipapo mutumwa akati kwandiri, “Washamiswa neiko? Ndichakuudza zvakavanzika zvomukadzi, nezvechikara chinomutakura chine misoro minomwe nenyanga dzine gumi. 8Chikara chawaona, chaivapo, hachichipo; choda kukwira chichibva mugomba rakadzika-dzika kundoparadzwa; vanogara panyika vasina kunyorwa mazita avo mubhuku youpenyu kubva pakusikwa kwenyika, vachashamiswa kana vachiona chikara, kuti chaivapo, hachichipo, uye chichazovapo.
9“Ndipo panokufunga kune njere. Misoro minomwe ndiwo makomo manomwe, anogarwa nomukadzi. 10Ndiwo madzimambo manomwe; vashanu vawa, mumwe aripo, mumwe agere kusvika; kana achisvika, anofanira kugara chinguva chiduku. 11Chikara chaivapo, chisisipo, ndiye worusere, mumwe wavanomwe, anondoparadzwa.
12“Nyanga dzine gumi dzawaona, ndiwo madzimambo ane gumi, achigere kupiwa ushe, asi vachapiwa simba samadzimambo pamwechete nechikara nguva imwe.
13“Ivo vane ndangariro imwe, vanopa chikara simba ravo noushe hwavo. 14Ava vacharwa neGwayana, Gwayana richavakunda; nokuti iro ndiIshe wamadzishe, namambo wamamdzimambo; naivo vanaro ndivanhu vakadanwa, vatsvene, vakatendeka.”
15Zvino akati kwandiri, “Mvura yawaona, inogarwa nemhombwe, ndivo vanhu, navazhinji, namarudzi, nendimi. 16Nyanga dzinegumi dzawaona, nechikara, ndivo vachavenga mhombwe, vachaiparadza, nokuitorera nguo; vachadya nyama yayo, nokuipisa nomoto. 17Nokuti Mwari akaisa mumwoyo yavo kuti vaite kurangarira kwake, vave nokurangarira kumwe, vape chikara ushe hwavo, kusvikira mashoko aMwari aitika.
18“Mukadzi wawaona ndiro guta guru, rinobata ushe hwamadzimambo enyika.”
Zvasarudzwa nguva ino
Zvakazarurwa 17: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002