Zvakazarurwa 14:1-13
Zvakazarurwa 14:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo ndakatarisa, ndikaona pamberi pangu pakanga pane Gwayana, rimire paGomo reZioni, uye rakanga rina vanhu zviuru zana namakumi mana navana vakanga vakanyorwa zita raro nezita raBaba varo pahuma dzavo. Uye ndakanzwa inzwi richibva kudenga rakaita somubvumo wemvura zhinji uye samaungira okutinhira. Inzwi randakanzwa rakanga rakaita seravaridzi vorudimbwa vanoridza rudimbwa rwavo. Uye vakaimba rwiyo rutsva pamberi pechigaro choushe napamberi pezvisikwa zvipenyu zvina uye napamberi pavakuru. Hakuna munhu aigona kudzidza rwiyo urwo kunze kwaava zviuru zana namakumi mana navana vakanga vadzikinurwa kubva panyika. Ava ndivo vaya vasina kuzvisvibisa navakadzi, nokuti vakazvichenesa. Vanotevera Gwayana kwose kwarinoenda. Vakatengwa pakati pavanhu vakapiwa kuti vave sezvipiriso zvezvibereko zvokutanga kuna Mwari nokuGwayana. Nhema hadzina kuwanikwa mumiromo yavo; havana chavanopomerwa. Ipapo ndakaona mumwe mutumwa achibhururuka pakati pechadenga, uye akanga ane vhangeri risingaperi kuti aparidzire avo vanogara panyika, kundudzi dzose, namarudzi ose, nendimi dzose uye navanhu vose. Akati nenzwi guru, “Ityai Mwari uye mumupe mbiri, nokuti nguva yokutonga kwake yasvika. Namatai iye akaita matenga, nyika, gungwa namatsime emvura.” Mutumwa wechipiri akatevera akati, “Rawa! Rawa Bhabhironi Guta Guru, rakaita kuti ndudzi dzose dzinwe waini inopengesa youpombwe hwaro.” Mutumwa wechitatu akavatevera uye akati nenzwi guru: “Kana munhu achinamata chikara nechifananidzo chacho uye akapiwa mucherechedzo wacho pahuma kana pamaoko, naiyewo achanwa waini yokutsamwa kwaMwari, yakadirwa sezvairi mumukombe wehasha dzaMwari. Achatambudzwa nesafuri inopfuta pamberi pavatumwa vatsvene napamberi peGwayana. Uye utsi hwokutambudzika kwavo hunokwira nokusingaperi-peri. Hapana zororo masikati kana usiku kuna avo vanonamata chikara nechifananidzo chacho, kana kuna ani zvake anogamuchira mucherechedzo wezita racho.” Izvi zvinoda kutsungirira kwavatsvene vanoteerera mirayiro yaMwari uye vanoramba vakatendeka kuna Jesu. Ipapo ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti, “Nyora uti: Vakaropafadzwa vakafa vanofira muna She kubva zvino.” “Hongu,” ndizvo zvinoreva Mweya, “vachazorora pakubata kwavo kukuru, nokuti mabasa avo achavatevera.”
Zvakazarurwa 14:1-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndakatarira, ndikaona Gwayana rimire pagomo reZioni, rinavamwe vane zviuru zvinezana namakumi mana navana, vanezita raro, nezita raBaba varo, rakanyorwa pahuma dzavo. Ipapo ndakanzwa izwi richibva kudenga, sezwi remvura zhinji, uye sezwi rokutinhira kukuru; nezwi randakanzwa rakanga rakaita seravaridzi vorudimbwa vachiridza madimbwa avo. Vakaimba rwiyo rutsva pamberi pechigaro choushe, napamberi pezvisikwa zvipenyu zvina, naVakuru; hakuna munhu akagona kudzidza rwiyo urwu, asi vaya vane zviuru zvine zana namakumi mana navana, vakadzikinurwa vachibva panyika. Ndivo vasina kusvibiswa navakadzi; nokuti vakanaka semhandara. Ndivo vanotevera Gwayana kwose kwarinoenda. Ndivo vakadzikinurwa pakati pavanhu, kuti vave zvibereko zvokutanga kuna Mwari nokuGwayana. Mumuromo mavo hamuna kuonekwa nhema, havana chavangapomerwa. Zvino ndakaona mumwe mutumwa achibhururuka pakati pedenga, ane Vhangeri isingaperi, kuti aiparidzire vanogara panyika, namarudzi ose, nendudzi dzose nendimi dzose, navanhu vose. Akati nezwi guru, “Ityai Mwari, mumurumbidze; nokuti nguva yake yokutonga yasvika; namatai iye, akasika denga, nenyika, negungwa, namatsime emvura.” Ipapo mumwe mutumwa akatevera, achiti, “Rawa, Rawa, Bhabhironi, guta guru, rakanwisa marudzi ose waini yokutsamwa kwoupombwe hwaro.” Ipapo mumwe mutumwa wechitatu akatevera, akati nezwi guru, “Kana munhu akanamata chikara nomufananidzo wacho, nokugamuchira chiratidzo pahuma yake kana paruoko rwake, naiye achanwawo waini yokutsamwa kwaMwari, yakadirwa isina kuvhenganiswa mumukombe wehasha dzake; achatambudzwa mumoto nesuriferi pamberi pavatumwa vatsvene, napamberi peGwayana. Hutsi hokutambudzika hwavo hunokwira nokusingaperi-peri; havana zororo masikati nousiku, ivo vanonamata chikara nomufananidzo wacho, noanogamuchira chiratidzo chezita racho.” Ndipo panokutsungirira kwavatsvene, vanochengeta mirayiro yaMwari nokutenda kwaJesu. Ipapo ndakanzwa izwi richibva kudenga, richiti, “Nyora, uti: Vakafa, vanofira muna Ishe, vakaropafadzwa kubva zvino. Hongu, ndizvo zvinotaura Mweya, kuti vazorore pakubata kwavo kukuru, nokuti mabasa avo anovatevera.”
Zvakazarurwa 14:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakati tarisei ndikaona pagomo reZioni pakamira Hwayana iina vanhu zviuru zana namakumi mana ane zvina vakanga vakanyorwa pahuma dzavo zita rayo nezita raBaba wayo. Ndakanzwa izwi richibva kudenga samapopopo emvura zhinji uye sokudhiriridza kwemheni kukuru. Izwi randakanzwa rainge vanhu vari kuridza madimbwa avo vachiimba rumbo rutsva pamberi pechigaro choumambo pamberiwo pezvisikwa zvipenyu zvina zviya napamberi pavakuru vakuru vaya. Hapana aikwanisa kudzidza rumbo irworwo kunze kwavaya zviuru zana namakumi mana ane zvina vakanunurwa panyika. Ava ndivo vasina kuzvisvibisa navakadzi vakachengeta utsvene hwavo ivava ndivo vanotevera Hwayana kose kwainoenda, ivava ndivo vakanunurwa muvanhu somuchero wokutanga kuna Mwari nokuHwayana. Mumuromo mavo hamuna kumbobuda nhema nokuti havana chinoshoreka pavari. Ndakazoona mumwe mutumwa achibhururuka mudenga aine Shoko Rakanaka rokugara nokugara rokuparidza vanhu vanogara pasi pano munyika dzose, namarudzi ose nendimi dzose navanhu vose. Akadaidzira nezwi guru achiti, “Ityai Mwari mumupe mbiri nokuti nguva yake yokutonga yasvika. Munamatei iye akasika denga napasi negungwa nezvisipiti zvemvura.” Mumwewo mutumwa wechipiri akatevera achiti, “Guta guru reBhabhironi raparara, raparara. Raparara iro rainwisa nyika dzose waini yehavi dzaro dzakaipa.” Mumwezve mutumwa wechitatu akavatevera achiti nezwi guru, “Kana munhu akanamata chikara nechifananidzo chacho achiiswa mucherechedzo pahuma yake kana paruoko rwake, achanwawo waini yehasha dzaMwari inodirwa isina kudirwa mvura mumukombe wehasha dzake. Acharwadziswa nomoto nesarufa pamberi pavatumwa vatsvene napamberi peHwayana. Utsi hokurwadziwa kwavo hucharamba huchingotogoka kudenga nokusingaperi uye havana zororo siku nesikati, ivava vanonamata chikara nomufananidzo wacho navavo vanogamuchira mucherechedzo nezita racho.” Ndikoka kutirira kunodiwa pavatsvene uku! Vanochengeta mitemo yaMwari nechitendero chaJesu. Ndakanzwa izwi richibva kudenga richiti, “Nyora izvi zvokuti: ‘Vakakomborerwa vanofira muna Tenzi, kubvira zvino zvichienda mberi.’
Zvakazarurwa 14:1-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ndakatarira, ndikaʋona Gwaiana rimire pagomo reZioni, rinaʋamŋe ʋaneɀuru ɀinezana namakumi manna naʋanna, ʋanezita raro, nezita raƂaɓa ʋaro, rakanyorwa pahuma dzaʋo. Ipapo ndakanzwa inzwi ricibva kuɗeŋga, senzwi remvura zhinji, ʋuye senzwi rokutinhira kukuru; nenzwi randakanzwa rakaŋga rakaita seraʋaridzi ʋoruɗimbga ʋaciridza ʋuɗimbga bgaʋo. Ʋakaimba rwiyo rutȿa pamberi pecigaro coʋushe, napamberi peɀisikwa ɀipenyu ɀinna, naƲakuru; hakunomunhu wakagona kudzidza rwiyo urwu, asi ʋaya ʋaneɀuru ɀinezana namakumi manna naʋanna, ʋakadzikinurwa ʋacibva panyika. Ndiʋo ʋasina‐kuȿiɓiswa naʋakadzi; nokuti ʋakanaka semhandara. Ndiʋo ʋanoteʋera Gwaiana kwose kwarinoenda. Ndiʋo ʋakadzikinurwa pakati paʋanhu, kuti ʋaʋe ɀiɓereko ɀokutaŋga kunaMŋari nokuGwaiana. Mumuromo maʋo hamuna‐kuʋonekwa nhema, haʋana‐caʋaŋgapomerwa. Ɀino ndakaʋona mumŋe mutumŋa acibururuka pakati peɗeŋga, aneEvaŋgeri isiŋgaperi, kuti aiparidzire ʋanogara panyika, namarudzi ose, nendudzi dzose, nendimi dzose, naʋanhu ʋose. Akati nenzwi guru: Ityai Mŋari, mumurumbidzei; nokuti ŋguʋa yake yokutoŋga yaȿika; namatai iye, wakasika ɗeŋga, nenyika, neguŋgwa, namatsime emvura. Ipapo mumŋe mutumŋa wakateʋera, aciti: Rawa, Rawa, Babironi, guta guru, rakanwisa marudzi ose waini yokutsamŋa kwoʋupombge bgaro. Ipapo mumŋe mutumŋa wecitatu wakateʋera, akati nenzwi guru: Kana munhu akanamata cikara nomufananidzo waco, nokugamucira ciratidzo pahuma yake kana paruʋoko rwake, naiye ucanwa ʋo waini yokutsamŋa kwaMŋari, yakaɗirwa isina‐kuveŋganiswa mumukombe wehasha dzake; ucatambudzwa mumŋoto nesurferi pamberi paʋatumŋa ʋatȿene, napamberi peGwaiana. Ʋutsi bgokutambudzika kwaʋo bgunokwira nokusiŋgaperi‐peri; haʋanezororo masikati noʋusiku, iʋo ʋanonamata cikara nomufananidzo waco, nounogamucira ciratidzo cezita raco. Ndipo panokutsuŋgirira kwaʋatȿene, ʋanoceŋgeta mirairo yaMŋari nokutenda kwaJesu. Ipapo ndakanzwa inzwi ricibva kuɗeŋga, riciti: Nyora, uti: Ʋakafa, ʋanofira munaShe, ʋakaropafadzwa kubva ɀino. Hoŋo, ndiɀo ɀinotaura Mŋeya, kuti ʋazorore pakuɓata kwaʋo kukuru, nokuti maɓasa aʋo anoʋateʋera.
Zvakazarurwa 14:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)