Ɀino ndakatarira, ndikaʋona Gwaiana rimire pagomo reZioni, rinaʋamŋe ʋaneɀuru ɀinezana namakumi manna naʋanna, ʋanezita raro, nezita raƂaɓa ʋaro, rakanyorwa pahuma dzaʋo. Ipapo ndakanzwa inzwi ricibva kuɗeŋga, senzwi remvura zhinji, ʋuye senzwi rokutinhira kukuru; nenzwi randakanzwa rakaŋga rakaita seraʋaridzi ʋoruɗimbga ʋaciridza ʋuɗimbga bgaʋo. Ʋakaimba rwiyo rutȿa pamberi pecigaro coʋushe, napamberi peɀisikwa ɀipenyu ɀinna, naƲakuru; hakunomunhu wakagona kudzidza rwiyo urwu, asi ʋaya ʋaneɀuru ɀinezana namakumi manna naʋanna, ʋakadzikinurwa ʋacibva panyika. Ndiʋo ʋasina‐kuȿiɓiswa naʋakadzi; nokuti ʋakanaka semhandara. Ndiʋo ʋanoteʋera Gwaiana kwose kwarinoenda. Ndiʋo ʋakadzikinurwa pakati paʋanhu, kuti ʋaʋe ɀiɓereko ɀokutaŋga kunaMŋari nokuGwaiana. Mumuromo maʋo hamuna‐kuʋonekwa nhema, haʋana‐caʋaŋgapomerwa.
Ɀino ndakaʋona mumŋe mutumŋa acibururuka pakati peɗeŋga, aneEvaŋgeri isiŋgaperi, kuti aiparidzire ʋanogara panyika, namarudzi ose, nendudzi dzose, nendimi dzose, naʋanhu ʋose. Akati nenzwi guru: Ityai Mŋari, mumurumbidzei; nokuti ŋguʋa yake yokutoŋga yaȿika; namatai iye, wakasika ɗeŋga, nenyika, neguŋgwa, namatsime emvura.
Ipapo mumŋe mutumŋa wakateʋera, aciti: Rawa, Rawa, Babironi, guta guru, rakanwisa marudzi ose waini yokutsamŋa kwoʋupombge bgaro.
Ipapo mumŋe mutumŋa wecitatu wakateʋera, akati nenzwi guru: Kana munhu akanamata cikara nomufananidzo waco, nokugamucira ciratidzo pahuma yake kana paruʋoko rwake, naiye ucanwa ʋo waini yokutsamŋa kwaMŋari, yakaɗirwa isina‐kuveŋganiswa mumukombe wehasha dzake; ucatambudzwa mumŋoto nesurferi pamberi paʋatumŋa ʋatȿene, napamberi peGwaiana. Ʋutsi bgokutambudzika kwaʋo bgunokwira nokusiŋgaperi‐peri; haʋanezororo masikati noʋusiku, iʋo ʋanonamata cikara nomufananidzo waco, nounogamucira ciratidzo cezita raco. Ndipo panokutsuŋgirira kwaʋatȿene, ʋanoceŋgeta mirairo yaMŋari nokutenda kwaJesu.
Ipapo ndakanzwa inzwi ricibva kuɗeŋga, riciti: Nyora, uti: Ʋakafa, ʋanofira munaShe, ʋakaropafadzwa kubva ɀino. Hoŋo, ndiɀo ɀinotaura Mŋeya, kuti ʋazorore pakuɓata kwaʋo kukuru, nokuti maɓasa aʋo anoʋateʋera.