Ipapo ndakatarisa, ndikaona pamberi pangu pakanga pane Gwayana, rimire paGomo reZioni, uye rakanga rina vanhu zviuru zana namakumi mana navana vakanga vakanyorwa zita raro nezita raBaba varo pahuma dzavo. Uye ndakanzwa inzwi richibva kudenga rakaita somubvumo wemvura zhinji uye samaungira okutinhira. Inzwi randakanzwa rakanga rakaita seravaridzi vorudimbwa vanoridza rudimbwa rwavo. Uye vakaimba rwiyo rutsva pamberi pechigaro choushe napamberi pezvisikwa zvipenyu zvina uye napamberi pavakuru. Hakuna munhu aigona kudzidza rwiyo urwo kunze kwaava zviuru zana namakumi mana navana vakanga vadzikinurwa kubva panyika. Ava ndivo vaya vasina kuzvisvibisa navakadzi, nokuti vakazvichenesa. Vanotevera Gwayana kwose kwarinoenda. Vakatengwa pakati pavanhu vakapiwa kuti vave sezvipiriso zvezvibereko zvokutanga kuna Mwari nokuGwayana. Nhema hadzina kuwanikwa mumiromo yavo; havana chavanopomerwa. Ipapo ndakaona mumwe mutumwa achibhururuka pakati pechadenga, uye akanga ane vhangeri risingaperi kuti aparidzire avo vanogara panyika, kundudzi dzose, namarudzi ose, nendimi dzose uye navanhu vose. Akati nenzwi guru, “Ityai Mwari uye mumupe mbiri, nokuti nguva yokutonga kwake yasvika. Namatai iye akaita matenga, nyika, gungwa namatsime emvura.” Mutumwa wechipiri akatevera akati, “Rawa! Rawa Bhabhironi Guta Guru, rakaita kuti ndudzi dzose dzinwe waini inopengesa youpombwe hwaro.” Mutumwa wechitatu akavatevera uye akati nenzwi guru: “Kana munhu achinamata chikara nechifananidzo chacho uye akapiwa mucherechedzo wacho pahuma kana pamaoko, naiyewo achanwa waini yokutsamwa kwaMwari, yakadirwa sezvairi mumukombe wehasha dzaMwari. Achatambudzwa nesafuri inopfuta pamberi pavatumwa vatsvene napamberi peGwayana. Uye utsi hwokutambudzika kwavo hunokwira nokusingaperi-peri. Hapana zororo masikati kana usiku kuna avo vanonamata chikara nechifananidzo chacho, kana kuna ani zvake anogamuchira mucherechedzo wezita racho.” Izvi zvinoda kutsungirira kwavatsvene vanoteerera mirayiro yaMwari uye vanoramba vakatendeka kuna Jesu. Ipapo ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti, “Nyora uti: Vakaropafadzwa vakafa vanofira muna She kubva zvino.” “Hongu,” ndizvo zvinoreva Mweya, “vachazorora pakubata kwavo kukuru, nokuti mabasa avo achavatevera.”
Verenga chikamu Zvakazarurwa 14
Terera ku Zvakazarurwa 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvakazarurwa 14:1-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo