Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakazarurwa 14

14
Gwayana pagomo reZioni
1Zvino ndakatarira, ndikaona Gwayana rimire pagomo reZioni, rinavamwe vane zviuru zvinezana namakumi mana navana, vanezita raro, nezita raBaba varo, rakanyorwa pahuma dzavo. 2Ipapo ndakanzwa izwi richibva kudenga, sezwi remvura zhinji, uye sezwi rokutinhira kukuru; nezwi randakanzwa rakanga rakaita seravaridzi vorudimbwa vachiridza madimbwa avo. 3Vakaimba rwiyo rutsva pamberi pechigaro choushe, napamberi pezvisikwa zvipenyu zvina, naVakuru; hakuna munhu akagona kudzidza rwiyo urwu, asi vaya vane zviuru zvine zana namakumi mana navana, vakadzikinurwa vachibva panyika. 4Ndivo vasina kusvibiswa navakadzi; nokuti vakanaka semhandara. Ndivo vanotevera Gwayana kwose kwarinoenda. Ndivo vakadzikinurwa pakati pavanhu, kuti vave zvibereko zvokutanga kuna Mwari nokuGwayana. 5Mumuromo mavo hamuna kuonekwa nhema, havana chavangapomerwa.
Vatumwa vanozivisa kutonga kwaMwari
6Zvino ndakaona mumwe mutumwa achibhururuka pakati pedenga, ane Vhangeri isingaperi, kuti aiparidzire vanogara panyika, namarudzi ose, nendudzi dzose nendimi dzose, navanhu vose.
7Akati nezwi guru, “Ityai Mwari, mumurumbidze; nokuti nguva yake yokutonga yasvika; namatai iye, akasika denga, nenyika, negungwa, namatsime emvura.”
8Ipapo mumwe mutumwa akatevera, achiti, “Rawa, Rawa, Bhabhironi, guta guru, rakanwisa marudzi ose waini yokutsamwa kwoupombwe hwaro.”
9Ipapo mumwe mutumwa wechitatu akatevera, akati nezwi guru, “Kana munhu akanamata chikara nomufananidzo wacho, nokugamuchira chiratidzo pahuma yake kana paruoko rwake, 10naiye achanwawo waini yokutsamwa kwaMwari, yakadirwa isina kuvhenganiswa mumukombe wehasha dzake; achatambudzwa mumoto nesuriferi pamberi pavatumwa vatsvene, napamberi peGwayana. 11Hutsi hokutambudzika hwavo hunokwira nokusingaperi-peri; havana zororo masikati nousiku, ivo vanonamata chikara nomufananidzo wacho, noanogamuchira chiratidzo chezita racho.”
12Ndipo panokutsungirira kwavatsvene, vanochengeta mirayiro yaMwari nokutenda kwaJesu.
13Ipapo ndakanzwa izwi richibva kudenga, richiti, “Nyora, uti: Vakafa, vanofira muna Ishe, vakaropafadzwa kubva zvino. Hongu, ndizvo zvinotaura Mweya, kuti vazorore pakubata kwavo kukuru, nokuti mabasa avo anovatevera.”
14Ipapo ndakatarira, ndikaona gore jena, nomumwe wakaita soMwanakomana womunhu agere pamusoro paro, ane korona yendarama pamusoro wake, naparuoko rwake ane jeko rinopinza.
15Zvino mumwe mutumwa akabuda mutemberi, akadanidzira nezwi guru kuna iye akanga agere pamusoro pegore, achiti, “Tumai jeko renyu mucheke; nokuti nguva yokucheka yasvika, nokuti kucheka kwenyika kwaibva.” 16Ipapo akanga agere pamusoro pegore akakandira jeko rake panyika, nyika ikachekwa.
17Zvino mumwe mutumwa akabuda mutemberi iri kudenga, naiyewo ane jeko rinopinza.
18Nomumwe mutumwa akanga ane simba pamusoro pomoto, akabuda paaritari, akadanidzira nezwi guru kuna iye akanga ane jeko rinopinza, achiti, “Tumai jeko renyu rinopinza, mucheke masumbu omudzambiringa wenyika, nokuti madzambiringa ayo aibva.” 19Ipapo mutumwa wakakandira jeko rake panyika, akacheka mudzambiringa wenyika, akazvikandira muchisviniro chikuru chokutsamwa kwaMwari. 20Chisviniro chikatsikwa kunze kweguta, ropa rikabuda muchisviniro rikasvika pamatomo amabhiza, rikaenda masitadhia ane chiuru china mazana matanhatu.

Zvasarudzwa nguva ino

Zvakazarurwa 14: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda