Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakaratidzwa 14:1-13

Zvakaratidzwa 14:1-13 SCLBD

Ndakati tarisei ndikaona pagomo reZioni pakamira Hwayana iina vanhu zviuru zana namakumi mana ane zvina vakanga vakanyorwa pahuma dzavo zita rayo nezita raBaba wayo. Ndakanzwa izwi richibva kudenga samapopopo emvura zhinji uye sokudhiriridza kwemheni kukuru. Izwi randakanzwa rainge vanhu vari kuridza madimbwa avo vachiimba rumbo rutsva pamberi pechigaro choumambo pamberiwo pezvisikwa zvipenyu zvina zviya napamberi pavakuru vakuru vaya. Hapana aikwanisa kudzidza rumbo irworwo kunze kwavaya zviuru zana namakumi mana ane zvina vakanunurwa panyika. Ava ndivo vasina kuzvisvibisa navakadzi vakachengeta utsvene hwavo ivava ndivo vanotevera Hwayana kose kwainoenda, ivava ndivo vakanunurwa muvanhu somuchero wokutanga kuna Mwari nokuHwayana. Mumuromo mavo hamuna kumbobuda nhema nokuti havana chinoshoreka pavari. Ndakazoona mumwe mutumwa achibhururuka mudenga aine Shoko Rakanaka rokugara nokugara rokuparidza vanhu vanogara pasi pano munyika dzose, namarudzi ose nendimi dzose navanhu vose. Akadaidzira nezwi guru achiti, “Ityai Mwari mumupe mbiri nokuti nguva yake yokutonga yasvika. Munamatei iye akasika denga napasi negungwa nezvisipiti zvemvura.” Mumwewo mutumwa wechipiri akatevera achiti, “Guta guru reBhabhironi raparara, raparara. Raparara iro rainwisa nyika dzose waini yehavi dzaro dzakaipa.” Mumwezve mutumwa wechitatu akavatevera achiti nezwi guru, “Kana munhu akanamata chikara nechifananidzo chacho achiiswa mucherechedzo pahuma yake kana paruoko rwake, achanwawo waini yehasha dzaMwari inodirwa isina kudirwa mvura mumukombe wehasha dzake. Acharwadziswa nomoto nesarufa pamberi pavatumwa vatsvene napamberi peHwayana. Utsi hokurwadziwa kwavo hucharamba huchingotogoka kudenga nokusingaperi uye havana zororo siku nesikati, ivava vanonamata chikara nomufananidzo wacho navavo vanogamuchira mucherechedzo nezita racho.” Ndikoka kutirira kunodiwa pavatsvene uku! Vanochengeta mitemo yaMwari nechitendero chaJesu. Ndakanzwa izwi richibva kudenga richiti, “Nyora izvi zvokuti: ‘Vakakomborerwa vanofira muna Tenzi, kubvira zvino zvichienda mberi.’